Unoona Sei Ramangwana?
Nyika ino . . .
-
icharamba iri sezvairi here?
-
ichatowedzera kuipa here?
-
ichava nani pane zvairi here?
BHAIBHERI RINOMBOTII?
“Mwari . . . achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?
Uchava nebasa rinokugutsa uye rinofadza.—Isaya 65:21-23.
Panenge pasisina kurwara kana chero chinonzi kutambudzika.—Isaya 25:8; 33:24.
Uchava neupenyu hunofadza husingagumi nehama neshamwari.—Pisarema 37:11, 29.
TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?
Hongu. Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro:
-
Mwari haatadzi kuzadzisa zvaakavimbisa. MuBhaibheri, Jehovha Mwari chete ndiye anonzi “Wemasimbaose,” nekuti ane simba risingagumi. (Zvakazarurwa 15:3) Saka anonyatsokwanisa kuita zvaakavimbisa zvekuti achachinja nyika kuti inake. Sezvinotaurwa neBhaibheri, “zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:26.
-
Mwari anoda kuzadzisa zvaakavimbisa. Semuenzaniso, Jehovha anosuwa vanhu vakafa, saka achavamutsa.—Jobho 14:14, 15.
Bhaibheri rinoratidzawo kuti Mwanakomana waMwari, Jesu, akaporesa vanorwara. Akazviitirei? Nekuti aida kuzviita. (Mako 1:40, 41) SaBaba vake, Jesu aida kubatsira vaitambura.—Johani 14:9.
Saka tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha naJesu vanoda kutibatsira kuti tive neramangwana rinofadza!—Pisarema 72:12-14; 145:16; 2 Petro 3:9.
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO
Mwari achachinja sei nyika kuti inake?
Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana MATEU 6:9, 10 naDHANIERI 2:44.