Kusuma Shoko raMwari
Bhaibheri rine mashoko atakanyorerwa naMwari anotibatsira mazuva ano. Rinotiratidza kuti tingararama sei upenyu hwakanaka uye kuti tingaita sei kuti tifarirwe naMwari. Rinopindurawo mibvunzo inotevera:
MATSVAGIRWO ANOITWA MAVHESI MUBHAIBHERI
Bhaibheri rine mabhuku madiki 66 ari muzvikamu zviviri. Chekutanga chinonzi Magwaro echiHebheru nechiAramaiki (“Testamende Yekare”) uye chechipiri chinonzi Magwaro echiGiriki (“Testamende Itsva”). Mubhuku rimwe nerimwe remuBhaibheri mune zvitsauko zvine mavhesi. Kana paine pakanyorwa rugwaro, nhamba yekutanga inotevera zita rebhuku racho inoratidza chitsauko, uye inozotevera inoratidza vhesi racho. Saka kana pakanyorwa kuti Genesisi 1:1 panoreva kuti Genesisi chitsauko 1, vhesi 1.