MUBVUNZO 17
Bhaibheri Ringabatsira Sei Mhuri Yako?
VARUME/VANABABA
“Varume vanofanirawo kuita saizvozvo, vachida madzimai avo semiviri yavo. Murume anoda mudzimai wake anozvida, nekuti hapana murume akambovenga muviri wake, asi anoupa zvekudya uye anouchengeta . . . Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita.”
“Vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.”
MADZIMAI
“Mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.”
“Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, sezvo zviri izvo zvakakodzera munaShe.”
VANA
“Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nekuti izvi zvakarurama. ‘Kudza baba vako naamai vako.’ Uyu ndiwo murayiro wekutanga une vimbiso yekuti: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’”
“Imi vana, teererai vabereki venyu nguva dzese, nekuti izvi zvinofadza Ishe zvikuru.”