Tsamba Yechipiri kuvaTesaronika 2:1-17
2 Asi hama, panyaya yekuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu+ uye yekuunganidzwa kwatichaitwa kwaari,+ tinokukumbirai
2 kuti musatsauswa nyore nyore pakufunga kwenyu kana kuvhundutswa nekutaura kunenge kuchiitwa zvekufemerwa*+ kana neshoko rinoita zvekutaurwa kana netsamba inoita seinobva kwatiri, zvichinzi zuva raJehovha*+ rasvika.
3 Ngaparege kuva nemunhu anotombokutsausai,* nekuti harisi kuzouya kusvikira kutsauka pakutenda+ kwatanga uye munhu asingateereri mutemo,+ mwanakomana wekuparadzwa,+ ava kunyatsozivikanwa.
4 Iye anopikisa uye anozvikwidziridza pamusoro pevese vanozviita vanamwari kana chimwe chinhu chinonamatwa, zvekuti anogara mutemberi yaMwari, achizviratidza pachena kuti iye ndimwari.
5 Makanganwa here kuti pandakanga ndichiinemi, ndaiwanzokuudzai zvinhu izvi?
6 Iye zvino munoziva kuti chii chiri kumudzora kuti asanyanya kuzviita, kuitira kuti azoratidzwa kana nguva yake yakwana.
7 Ichokwadi kuti kusateerera mutemo uku kwava kutoitika kwakavanzika,+ asi kuchazobuda pachena kana uya ari kuita kuti zvisanyanya kuenderera asisipo.
8 Kana zvadaro, munhu asingateereri mutemo achabva abudiswa pachena; achaparadzwa naIshe Jesu nemweya wemuromo wake,+ paacharatidza+ kuvapo kwake.
9 Asi kuti munhu asingateereri mutemo avepo, Satani+ ndiye anenge achiita mabasa esimba, zviratidzo zvenhema nezvishamiso+
10 achishandisa nzira dzese dzisina kururama kunyengera+ vaya vari kuparara, kuti varangwe nekuti havana kuratidza kuti vanonyatsoda chokwadi kuti vaponeswe.
11 Ndokusaka Mwari achivarega vachizvifurira kuti vabvume nhema dzacho,+
12 kuti vese vatongwe nekuti havana kubvuma chokwadi asi vakafadzwa nekusarurama.
13 Asi hama dzinodiwa naJehovha,* tinofanira kugara tichitenda Mwari nekuda kwenyu, nekuti kubvira pakutanga Mwari akakusarudzai+ kuti muponeswe nekukutsvenesai+ nemweya wake uye nekutenda kwenyu muchokwadi.
14 Akakudanirai izvozvo achishandisa mashoko akanaka atinozivisa, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.+
15 Saka hama, mirai makasimba+ uye rambai makabata zvamakadzidziswa,+ mungava makazvidzidziswa nemuromo kana kuti netsamba yakabva kwatiri.
16 Zvakare, Ishe wedu Jesu Kristu naMwari Baba vedu, avo vakatida,+ ndokutipa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka+ vachishandisa nyasha dzavo,
17 ngavanyaradze mwoyo yenyu vachikusimbisai pamabasa uye pamashoko ese akanaka.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kutaura kwemweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “anotombokunyengerai.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.