Dheuteronomi 34:1-12
34 Mozisi akabva murenje reMoabhi akakwira muGomo reNebho,+ pamusoro pePisga,+ rakatarisana neJeriko.+ Uye Jehovha akamuratidza nyika yacho yese, kubva kuGiriyedhi kusvikira kuDhani,+
2 nenyika yese yaNaftari uye nyika yaEfremu naManase, nenyika yese yaJudha kusvikira kugungwa rekumavirira,*+
3 neNegebhu+ uye Dunhu+ reJodhani, bani reJeriko, guta remichindwe, kusvikira kuZoari.+
4 Jehovha akabva ati kwaari: “Iyi ndiyo nyika yandakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho, kuti, ‘Ndichaipa vana* vako.’+ Ndaita kuti uione nemaziso ako, asi hausi kuzoyambuka ikoko.”+
5 Pashure paizvozvo, Mozisi muranda waJehovha akafira imomo munyika yeMoabhi sezvakanga zvataurwa naJehovha.+
6 Akamuviga mubani, munyika yeMoabhi pakatarisana neBheti-peori, uye hapana anoziva pane guva rake kusvikira nhasi.+
7 Mozisi akafa ava nemakore 120.+ Maziso ake akanga achiri kuona, uye akanga achakasimba.
8 VaIsraeri vakachema Mozisi vari murenje reMoabhi kwemazuva 30.+ Mazuva ekuchema Mozisi akazopera.
9 Joshua mwanakomana waNuni akanga akazara nemweya weuchenjeri, nekuti Mozisi akanga aisa ruoko rwake pamusoro pake;+ vaIsraeri vakatanga kumuteerera, uye vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+
10 Asi pakati paIsraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita saMozisi,+ aizivikanwa naJehovha chiso nechiso.+
11 Akaita zviratidzo zvese nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite munyika yeIjipiti kuna Farao nekuvashandi vake vese nenyika yake yese,+
12 uye Mozisi akaratidzawo ruoko rune simba uye simba rinoshamisa pamberi pevaIsraeri vese.+