Genesisi 25:1-34
25 Abrahamu akazotorazve mumwe mudzimai ainzi Ketura.
2 Nekufamba kwenguva, akamuberekera Zimrani, Jokshani, Medhani, Midhiyani,+ Ishbhaki, naShuwa.+
3 Jokshani akabereka Shebha naDhedhani.
Vanakomana vaDhedhani vaiva Ashurimu, Retushimu, naReumimu.
4 Vanakomana vaMidhiyani vaiva Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha, naEridhaa.
Vese ava vaiva vanakomana vaKetura.
5 Abrahamu akazopa Isaka zvinhu zvese zvaakanga ainazvo,+
6 asi vanakomana vaakaita nevarongo vake akavapa zvipo. Paakanga achiri mupenyu, Abrahamu akabva avaendesa nechekumabvazuva, kure naIsaka mwanakomana wake,+ kunyika yeMabvazuva.
7 Abrahamu akararama makore 175.
8 Abrahamu akafema kekupedzisira, akafa anyatsokura, akwegura uye agutsikana, akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake.*
9 Vanakomana vake Isaka naIshmaeri vakamuviga mubako reMakapera mumunda waEfroni mwanakomana waZohari muHiti, uri pakatarisana neMamre,+
10 munda wakatengwa naAbrahamu kuvanakomana vaHeti. Imomo ndimo makavigwa Abrahamu uye mudzimai wake Sara.+
11 Abrahamu afa, Mwari akaramba achikomborera Isaka+ mwanakomana wake, uye Isaka akanga achigara pedyo neBheeri-rahai-roi.+
12 Iyi ndiyo nhoroondo yaIshmaeri+ mwanakomana waAbrahamu waakaberekerwa naHagari+ muIjipiti, muranda waSara.
13 Aya ndiwo mazita evanakomana vaIshmaeri, mazita avo maererano nematangiro akaita mhuri dzavo: Dangwe raIshmaeri raiva Nebhayoti,+ kwouya Kedhari,+ Adbheeri, Mibsamu,+
14 Mishma, Dhuma, Masa,
15 Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi, naKedhema.
16 Ava ndivo vanakomana vaIshmaeri, uye aya ndiwo mazita avo maererano nemisha yavo uye maererano nenzvimbo dzavaigara mumatende,* machinda 12 maererano nemadzinza avo.+
17 Ishmaeri akararama makore 137. Akafema kekupedzisira, akafa uye akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake.*
18 Vakagara kubvira paHavhira+ pedyo neShuri,+ iri pedyo neIjipiti, kusvikira kuAsiriya. Akagara pedyo nehama dzake dzese.*+
19 Iyi ndiyo nhoroondo yaIsaka mwanakomana waAbrahamu.+
Abrahamu akabereka Isaka.
20 Isaka akanga ava nemakore 40 paakaroora Ribheka, mwanasikana waBhetueri+ muAramu wekuPadhani-aramu, hanzvadzi yaRabhani muAramu.
21 Uye Isaka aigara achiteterera Jehovha nezvemudzimai wake, nekuti akanga asina mbereko; saka Jehovha akanzwa kuchema kwake, uye Ribheka mudzimai wake akabata pamuviri.
22 Vanakomana vaiva mudumbu make vakatanga kurwisana,+ zvekuti akati: “Kana zviri izvo zvazvinoita, ndicharamba ndichiraramirei?” Saka akabvunza Jehovha nezvazvo.
23 Uye Jehovha akati kwaari: “Mudumbu mako mune marudzi maviri,+ uye marudzi maviri achaparadzaniswa achibva mauri;+ rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe,+ uye mukuru achashandira mudiki.”+
24 Pakazosvika nguva yekuti asununguke, akabva aona kuti zvechokwadi aiva nemapatya mudumbu make!
25 Wekutanga akabva abuda akatsvuka muviri wese uye akaita senguo yemvere,+ saka vakamutumidza kuti Isau.*+
26 Munin’ina wake akazobuda uye ruoko rwake rwakanga rwakabata chitsitsinho chaIsau,+ saka akamutumidza kuti Jakobho.*+ Pavakaberekwa, Isaka akanga ava nemakore 60.
27 Vakomana vacho pavaikura, Isau akava hombarume,+ murume wesango, asi Jakobho aiva murume asina chaanopomerwa, aigara mumatende.+
28 Isaka aida Isau nekuti aigara achimuvigira nyama yemhuka, asi Ribheka aida Jakobho.+
29 Mumwe musi Jakobho akanga achibika zvekudya pakasvika Isau achibva kusango aneta.
30 Saka Isau akati kuna Jakobho: “Kurumidza kundipawo zvekudya zvako zvakatsvukirira izvo,* ndafa nenzara!”* Ndokusaka akanzi Edhomu.*+
31 Jakobho akapindura kuti: “Tanga wanditengesera kodzero yako yeudangwe!”+
32 Isau akaenderera mberi achiti: “Ndava kufa nenzara, udangwe hunondibatsireiko?”
33 Jakobho akati: “Tanga wandipikira!” Saka akamupikira, akatengesera Jakobho kodzero yake yeudangwe.+
34 Jakobho akabva apa Isau chingwa nenyemba, uye akadya akanwa, akabva asimuka akaenda. Saka Isau akazvidza udangwe hwake.
Mashoko Emuzasi
^ Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
^ Kana kuti “mumisasa yakakomberedzwa.”
^ Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Aigara achingonetsana nehama dzake dzese.”
^ Kureva kuti “Azere Mvere.”
^ Kureva kuti “Uya Akabata Chitsitsinho; Anotorera Munhu Chinzvimbo.”
^ ChiHeb., “zvitsvuku, zvitsvuku izvi.”
^ Kana kuti “ndaneta.”
^ Kureva kuti “Zvitsvuku.”