Isaya 1:1-31
1 Zvakaonekwa naIsaya*+ mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema mumazuva aUziya,+ Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya,+ madzimambo eJudha:+
2 Inzwa, haiwa iwe denga, uye teerera, haiwa iwe nyika,+Nekuti Jehovha akataura kuti:
“Ndakarera vanakomana ndikavayarutsa,+Asi ivo vakandipandukira.+
3 Mukono wemombe unonyatsoziva munhu akautenga,Uye dhongi rinoziva chidyiro chezvipfuwo chemuridzi waro;Asi vaIsraeri havandizivi,*+Vanhu vangu havanzwisisi.”
4 Rune nhamo rudzi runotadza,+Vanhu vakaremerwa nekukanganisa,Chizvarwa chevarume vakaipa, vana vanoita zvakaipa!
Vakasiya Jehovha;+Havana kuremekedza Mutsvene waIsraeri;Vakamupira makotsi.
5 Ndepapi pamwe pamucharohwa zvamuri kuwedzera kupanduka?+
Musoro uri kurwadza,Uye mwoyo une chirwere.+
6 Kubva pasi petsoka kusvika mumusoro, hapana pane utano.
Pane maronda, nemakakuzvuka, nemaronda akavhurika,Hazvina kurapwa* kana kusungwa kana kupfaviswa nemafuta.+
7 Nyika yenyu yava dongo.
Maguta enyu akapiswa nemoto.
Vanhu vekune imwe nyika vari kuparadza nyika yenyu pamberi penyu chaipo.+
Yaparara senyika yakundwa nevanhu vekune imwe nyika.+
8 Mwanasikana weZiyoni asiyiwa akaita sedumba riri mumunda wemizambiringa,Sekaimba kari mumunda wemagaka,Seguta rakombwa.+
9 Kudai Jehovha wemauto asina kuita kuti pave nevashoma vedu vanopona,Tingadai takaita seSodhomu,Uye tingadai takafanana neGomora.+
10 Inzwai shoko raJehovha, imi vatongi vane udzvinyiriri* veSodhomu.+
Teererai mutemo* waMwari wedu, imi vanhu veGomora.+
11 “Zvibayiro zvenyu zvakawanda zvinondibatsirei?”+ anodaro Jehovha.
“Handichadi zvibayiro zvenyu zvinopiswa zvemakondohwe+ nemafuta emhuka dzakakodzwa,+Uye handifadzwi neropa+ remikono yenyu midiki yemombe+ nemakwayana nembudzi.+
12 Pamunouya kuzomira pamberi pangu,+Ndiani akakukumbirai izvi,Zvekutsika-tsika zvivanze zvangu?+
13 Chiregai kuunzazve mipiro yezviyo isina zvainobatsira.
Rusenzi yenyu inondisemesa.+
Kugara kwemwedzi,+ masabata,+ kuronga magungano,+Ndaneta negungano renyu dzvene ramunoita asi muchiita zvemashiripiti.+
14 Ndakavenga* mitambo yenyu yekugara kwemwedzi nemimwe mitambo yenyu.
Zvava mutoro kwandiri;Ndaneta nekuzvitakura.
15 Uye pamunotambanudza zvanza zvenyu,Ndinokuvanzirai maziso angu.+
Kunyange muchiita minyengetero mizhinji,+Handisi kuiteerera;+Maoko enyu azere neropa.+
16 Zvigezei, zvichenesei;+Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu;Siyai zvakaipa.+
17 Dzidzai kuita zvakanaka, tsvagai kururama,+Ruramisai anodzvinyirira,Rwirai kodzero dzenherera,Uye miririrai chirikadzi.”+
18 “Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,” anodaro Jehovha.+
“Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri,Zvichacheneswa sechando;+Kunyange zvazvo zvakatsvuka semucheka mutsvuku,Zvichaita semvere dzemakwai.
19 Kana mukava nechido uye mukateerera,Muchadya zvinhu zvakanaka zvenyika yacho.+
20 Asi kana mukaramba, mopanduka,Muchaparadzwa nebakatwa,+Nekuti muromo waJehovha wazvitaura.”
21 Guta riya rakatendeka+ zvarava pfambi!+
Rakanga rizere nevanotevedzera mutemo;+Kururama kwaimbogara mariri,+Asi iye zvino mava nemhondi.+
22 Sirivha yako yava marara,+Uye doro rako* radirwa mvura.
23 Machinda ako akaoma musoro uye ishamwari dzembavha.+
Ese zvawo anoda chiokomuhomwe uye anotoita zvekudzingirira zvipo.+
Havatongi nyaya dzenherera zvakanaka,Uye nyaya inounzwa nechirikadzi haitombosviki kwavari.+
24 Saka Ishe wechokwadi, iye Jehovha wemauto,Iye Ane Simba waIsraeri, anoti:
“Zvakwana! Ndichazvibvisira vavengi vangu,Uye ndichatsiva vavengi vangu.+
25 Ndichakurwisa neruoko rwangu,Ndichabvisa tsvina* iri pauri sezvinoitwa nesipo,Uye ndichabvisa zvese zvisina kuchena pauri.+
26 Ndichadzorera vatongi vako sezvazvaiva pakutangaUye vanachipangamazano vako sezvazvaiva pakutanga.+
Pashure peizvi uchanzi Guta reKururama, Guta Rakatendeka.+
27 Ziyoni richadzikinurwa nekururama,+Uye vaya vanodzoka kwariri vachadzikinurwawo nekururama.
28 Vapanduki nevatadzi vachaparadzwa pamwe chete,+Uye vaya vanosiya Jehovha vachapera.+
29 Nekuti vaya vaida miti mikuru yamaida vachanyara,+Uye muchashaya pekupinda nemhaka yeminda* yamakasarudza.+
30 Nekuti muchaita semuti mukuru une mashizha ari kusvava,+Uye semunda usina mvura.
31 Murume ane simba achava shinda,*Uye basa rake richava kamoto kari kuputika;Zvese zviri zviviri zvichatsva pamwe chete,Pasina anozvidzimura.”
Mashoko Emuzasi
^ Kureva kuti “Ruponeso rwaJehovha.”
^ Kana kuti “havazivi tenzi wavo.”
^ ChiHeb., “kusvinwa.”
^ Kana kuti “imi vatongi.”
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wakavenga.”
^ Kana kuti “doro rako regorosi.”
^ Pano pari kureva zvinoitwa panonyungudutswa simbi painenge ichinatswa.
^ Panenge pari kureva miti neminda yaiva nechekuita nekunamata zvidhori.
^ Shinda isinganonoki kubata moto.