Isaya 40:1-31
40 “Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu,” anodaro Mwari wenyu.+
2 “Taurai zvinobaya mwoyo weJerusarema,*Uye rizivisei kuti basa raro rekumanikidzwa rapera,Kuti mhosva yaro yaripwa.+
Rawana zvakanyatsoenzana nezvivi* zvaro zvese kubva muruoko rwaJehovha.”+
3 Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti:
“Vhurai* nzira yaJehovha!+
Gadzirirai Mwari wedu mugwagwa mukuru wakati twasu unopfuura nemugwenga.+
4 Mapani ese ngaakwidziridzwe,Uye makomo ese nezvikomo zvese ngazvideredzwe.
Nyika isina kuenzana inofanira kuti sandara,Uye nzvimbo isina kuenzana ngaive bani.+
5 Kukudzwa kwaJehovha kucharatidzwa,+Uye vanhu vese vachazviona pamwe chete,+Nekuti muromo waJehovha wataura.”
6 Teerera! Pane munhu ari kuti: “Shevedzera!”
Mumwe ari kubvunza kuti: “Ndoshevedzera kuti chii?”
“Vanhu vese uswa hwakasvibirira.
Kuvimbika kwavo kwese kwakaita* seruva remusango.+
7 Uswa hwakasvibirira hunooma,Ruva rinooma,+Nekuti mweya wekufema* waJehovha unozvifuridza.+
Chokwadi vanhu vanongovawo uswa hwakasvibirira.
8 Uswa hwakasvibirira hunooma,Ruva rinooma,Asi shoko raMwari wedu rinogara nekusingaperi.”+
9 Kwira mugomo refu,Iwe mukadzi ari kuunzira Ziyoni mashoko akanaka.+
Shevedzera nesimba,Iwe mukadzi ari kuunzira Jerusarema mashoko akanaka.
Shevedzera, usatya.
Zivisa maguta eJudha kuti: “Hoyu Mwari wenyu.”+
10 Inzwai! Changamire Ishe Jehovha achauya nesimba,Uye ruoko rwake ruchamutongera.+
Inzwai! Mubayiro wake anawo,Uye mubhadharo waanopa uri pamberi pake.+
11 Achachengeta* makwai ake sezvinoita mufudzi.+
Achaunganidza makwayana neruoko rwake,Uye achaatakura pachipfuva chake.
Achatungamirira zvinyoronyoro aya anoyamwisa.+
12 Ndiani akayera mvura muchanza cheruoko rwake,+Uye akayera denga nesipani yeruoko rwake?*
Ndiani akaisa guruva renyika muchiyero+Kana kuti akayera makomo nechekuyeresaUye akayera zvikomo pachikero?
13 Ndiani akayera* mweya waJehovha,Uye ndiani angava chipangamazano wake anomurayiridza?+
14 Ndiani waakabvunza kuti anzwisise,Kana kuti ndiani anomudzidzisa munzira yekururama,Kana kuti anomudzidzisa kuti awane ruzivo,Kana kumuratidza nzira yekunzwisisa kwechokwadi?+
15 Inzwai! Marudzi akaita sedonhwe remvura riri kubva mumugomo,Uye anoonekwa setuguruva tushomanana turi pachikero.+
Onai! Iye anosimudza zvitsuwa seguruva rakatsetseka.
16 Kunyange Rebhanoni haikwani kuti moto urambe uchibvira,*Uye mhuka dzayo dzemusango hadzikwani kupa chibayiro chinopiswa.
17 Marudzi ese akaita sechinhu chisipo pamberi pake;+Anoaona sepasina, kunge asipo.+
18 Mungaenzanisa Mwari naani?+
Chii chamungamufananidza nacho?+
19 Mhizha inogadzira mufananidzo,*Mupfuri wesimbi anounama wese negoridhe,+Uye anogadzira cheni dzesirivha.
20 Anosarudza muti kuti uve mupiro wake,+Muti usingazoori.
Anotsvaga mhizha ine unyanzviKuti igadzire mufananidzo wakavezwa usingazodonhi.+
21 Hamuzivi here?
Hamuna kunzwa here?
Hamuna kuzviudzwa kubvira pakutanga here?
Hamuna kunzwisisa kubva pauchapupu huripo kubvira pakaiswa nheyo dzenyika here?+
22 Kune anogara pamusoro pedenderedzwa renyika,*+Uye vanogara mariri vakaita sehwiza.
Ari kutatamura denga semucheka mutetetete,Uye anoritambanudza setende rekugara.+
23 Anoita kuti makurukota asava chinhuUye anoita kuti vatongi venyika* vaite kunge vasipo.
24 Vachingobva kusimwa,Vachingobva kudyarwa,Hunde yavo painenge ichangotanga kudzika midzi muvhu,Vanofuridzwa nemhepo vooma,Uye mhepo inovapeperetsa semashanga.+
25 “Mungandifananidza naani kuti ndinzi ndakaenzana naye?” anodaro iye Mutsvene.
26 “Simudzai maziso enyu mutarise kudenga.
Ndiani akasika zvinhu izvi?+
Ndiye uya anobudisa uto razvo muuwandu hwazvo;Anozvishevedza zvese nemazita azvo.+
Nekuda kwesimba rake guru kwazvo uye simba rake rinoshamisa,+Hapana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.
27 Unotaurireiko, haiwa iwe Jakobho, uye unotaurireiko, haiwa iwe Israeri kuti,‘Nzira yangu yakavanzika kuna Jehovha,Uye Mwari haaoni zvisina kururama zvandinoitirwa’?+
28 Hauzivi here? Hauna kunzwa here?
Jehovha, Musiki wemigumo yenyika, ndiMwari nekusingaperi.+
Haaneti kana kupera simba.+
Kunzwisisa kwake hakugoni kuongororwa.*+
29 Anopa munhu akaneta simbaUye simba rizere kune vaya vasina simba.+
30 Vakomana vachaneta uye vachapera simba,Uye majaya achagumburwa odonha,
31 Asi vaya vanotarisira kuna Jehovha vachawanazve simba.
Vachabhururuka nemapapiro vachienda mudenga semakondo.+
Vachamhanya vasingaperi simba;Vachafamba vasinganeti.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Taurai zvinonyaradza Jerusarema.”
^ Kana kuti “zvakapetwa kaviri pazvivi.”
^ Kana kuti “Gadzirai.”
^ Kana kuti “Rudo rwavo rwese rusingachinji rwakaita.”
^ Kana kuti “mweya.”
^ Kana kuti “Achafudza.”
^ Upamhi hwechanza kana chakatambanudzwa, kubva panoperera chigunwe chikuru kusvika panoperera chigunwe chidiki. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “akanzwisisa.”
^ Kana kuti “haina huni dzinokwana.”
^ Kana kuti “mufananidzo wesimbi yakanyungudutswa.”
^ Kana kuti “penyika yakaita bhora.”
^ Kana kuti “vanotonga nyaya panyika.”
^ Kana kuti “kunzwisiswa.”