Mapisarema 100:1-5
Rwiyo rwekuonga.
100 Shevedzerai kuna Jehovha muchipembera, imi nyika yese.+
2 Shumirai Jehovha muchifara.+
Uyai pamberi pake muchishevedzera nemufaro.
3 Zivai* kuti Jehovha ndiMwari.+
Ndiye akatisika, uye tiri vake.*+
Tiri vanhu vake nemakwai emafuro ake.+
4 Pindai pamagedhi ake muchionga,+Pindai muzvivanze zvake muchirumbidza.+
Muongei; rumbidzai zita rake.+
5 Nekuti Jehovha akanaka;+Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,Uye kutendeka kwake kunogara kwezvizvarwa zvese.+