Mapisarema 3:1-8
Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwanakomana wake Absaromu.+
3 Haiwa Jehovha, nei mhandu dzangu dzawanda kudai?+
Nei vazhinji vari kundipandukira?+
2 Vazhinji vari kuti nezvangu:*
“Mwari haasi kuzomuponesa.”+ (Sera)*
3 Asi imi, haiwa Jehovha, muri nhoo kumativi angu ese.+Ndimi kukudzwa+ kwangu uye munosimudza musoro wangu.+
4 Ndichadanidzira kuna Jehovha,Uye achandipindura ari pagomo rake dzvene.+ (Sera)
5 Ndicharara pasi, ndobatwa nehope;Uye ndichamuka ndisina chekutya,Nekuti Jehovha anoramba achinditsigira.+
6 Handityi makumi ezviuruAkamira kumativi ese kuti andirwise.+
7 Simukai, haiwa Jehovha! Ndiponesei,+ haiwa Mwari wangu!
Nekuti mucharova vavengi vangu vese pashaya dzavo;Muchagura mazino evakaipa.+
8 Ruponeso nderwaJehovha.+
Chikomborero chenyu chiri pavanhu venyu. (Sera)