Mapisarema 40:1-17
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
40 Ndakatarisira kuna Jehovha nemwoyo wese,*Uye akarerekera nzeve yake kwandiri,* akanzwa kuchemera kwangu kubatsirwa.+
2 Akandibudisa mugomba rine mvura ine ruzha,Mumadhaka anotsvedza.
Uye akaisa tsoka dzangu pamusoro pedombo;Akasimbisa pandakanga ndakatsika.
3 Akabva aisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,+Rwekurumbidza Mwari wedu.
Vazhinji vachatarisa vachishamiswaUye vachavimba naJehovha.
4 Anofara munhu anovimba naJehovhaUye asingavimbi nevanhu vasingateereri kana kuti vanhu venhema.
5 Chokwadi makaita zvinhu zvizhinji,Haiwa Jehovha Mwari wangu,Mabasa enyu anoshamisa mazhinji uye zvamunofunga nezvedu zvakawanda.+
Hakuna mumwe angaenzaniswa nemi;+Kudai ndaida kuedza kuarondedzera uye kutaura nezvawo,Aizondiwandira zvekutadza kuatsanangura!+
6 Hamuna kuda chibayiro* nemupiro,+Asi makavhura nzeve dzangu kuti ndinzwe.+
Hamuna kukumbira zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvechivi.+
7 Ndakabva ndati: “Onai, ndauya.
Mubhuku makanyorwa nezvangu.+
8 Ndinofarira kuita* kuda kwenyu, haiwa Mwari wangu,+Uye mutemo wenyu uri mukatikati mangu.+
9 Ndinozivisa mashoko akanaka ekururama muungano yakakura.+
Onai! Handivhari miromo yangu,+Sezvamunonyatsoziva Jehovha.
10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu.
Ndinozivisa kutendeka kwenyu neruponeso rwenyu.
Handivanzi rudo rwenyu rusingachinji uye chokwadi chenyu muungano yakakura.”+
11 Haiwa Jehovha, musarega kundinzwira tsitsi.
Rudo rwenyu rusingachinji uye chokwadi chenyu ngazvigare zvichindichengetedza.+
12 Matambudziko akandikomba akawanda zvekusaverengeka.+
Zvikanganiso zvangu zvakawanda zvekunditadzisa kuona nzira yangu;+Zvakawanda kupfuura bvudzi remusoro wangu,Uye ndaora mwoyo.
13 Haiwa Jehovha, ivai nechido chekundiponesa.+
Haiwa Jehovha, kurumidzai kuzondibatsira.+
14 Dai vese vari kutsvaga kundiuraya*Vakanyara uye vakashaya pekupinda.
Dai vaya vanofarira dambudziko ranguVakadzokera vachinyara.
15 Dai vaya vari kuti kwandiri: “Tsvatu waro! Tsvatu waro!”
Vakavhundutswa nenyadzi dzavo.
16 Asi itai kuti vaya vari kukutsvagai+Vapembere nemufaro vachikufarirai.+
Vaya vanoda mabasa enyu ekuponesa ngavagare vachiti:
“Jehovha ngaakudzwe.”+
17 Asi ini handina simba uye ndiri murombo;Jehovha ngaafungewo nezvangu.
Ndimi mubatsiri wangu nemununuri wangu;+Mwari wangu, musanonoka.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Ndakamirira Jehovha nemwoyo murefu.”
^ Kana kuti “akakotama kuti anditeerere.”
^ Kana kuti “kufadzwa nechibayiro.”
^ Kana kuti “Chido changu ndechekuita.”
^ Kana kuti “kutsvaga mweya wangu.”