Mapisarema 96:1-13
96 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva.+
Imbirai Jehovha, imi nyika yese!+
2 Imbirai Jehovha; rumbidzai zita rake.
Zuva nezuva zivisai mashoko akanaka ekuponesa kwake.+
3 Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,Nemabasa ake anoshamisa pakati pevanhu vese.+
4 Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa.
Anoshamisa kupfuura vamwe vanamwari vese.
5 Vanamwari vese vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira,+Asi Jehovha ndiye akasika denga.+
6 Pamberi pake pane ukuru* nekubwinya;+Simba nerunako zviri munzvimbo yake tsvene.+
7 Ipai Jehovha zvakamukodzera, imi mhuri dzemarudzi,Ipai Jehovha zvakakodzera kukudzwa kwake nesimba rake.+
8 Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake;+Uyai nechipo mupinde muzvivanze zvake.
9 Kotamirai* Jehovha makapfeka zvishongo zvitsvene;*Dederai pamberi pake, imi nyika yese!
10 Zivisai pakati pemarudzi kuti: “Jehovha ava Mambo!+
Nyika yakanyatsosimbiswa, zvekuti haigoni kubviswa pairi.*
Achatonga marudzi zvakarurama.”*+
11 Denga ngaripembere, uye nyika ngaifare;Gungwa ngaritinhire pamwe chete nezvese zvizere mariri;+
12 Masango ngaapembere nemufaro nezvese zviri maari.+
Miti yese yemusango ngaishevedzerewo ichifara+
13 Pamberi paJehovha, nekuti ari kuuya,*Ari kuuya kuzotonga nyika.
Achatonga nyika nekururama+Uye achatonga marudzi nekutendeka kwake.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kukudzwa.”
^ Kana kuti “Namatai.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nekuda kwerunako rweutsvene hwake.”
^ Kana kuti “kuzununguswa.”
^ Kana kuti “Achamiririra nyaya dzemarudzi zvakarurama.”
^ Kana kuti “auya.”