Zvirevo 11:1-31
11 Chikero chinobiridzira chinosemesa Jehovha,Asi chiyero chakarurama* chinomufadza.+
2 Kana kuzvikudza kukavapo, kunyadziswa kunobva kwatevera,+Asi vane mwero ndivo vane uchenjeri.+
3 Vakarurama vanotungamirirwa nekurarama vasina chavanopomerwa,+Asi kunyengera kwevasina kutendeka kuchavaparadza.+
4 Pfuma haizobatsiri* pazuva rehasha,+Asi kururama ndiko kuchanunura parufu.+
5 Kururama kwemunhu asina chaanopomerwa kuchaita kuti gwara rake ritwasuke,Asi munhu akaipa achawa nemhaka yeuipi hwake.+
6 Kururama kwevakarurama kuchavanunura,+Asi vanyengeri vachakanganiswa nezvido zvavo pachavo.+
7 Munhu akaipa paanofa, tariro yake inoparara;Uye zvaaitarisira pamusana pesimba rake zvinopararawo.+
8 Munhu akarurama anonunurwa pamatambudziko,Uye munhu akaipa anotora nzvimbo yake.+
9 Nemuromo wake, munhu akatsauka pakutenda* anoparadza muvakidzani wake,Asi neruzivo, vakarurama vanonunurwa.+
10 Kunaka kwevakarurama kunoita kuti guta rifare,Uye vakaipa pavanoparara, panova nekupembera.+
11 Nekuda kwechikomborero chevakarurama guta rinokwidziridzwa,+Asi miromo yevakaipa inorikoromora.+
12 Munhu wese anozvidza* muvakidzani wake haana pfungwa,*Asi munhu anonyatsonzwisisa anoramba akanyarara.+
13 Munhu anotaura zvinosvibisa zita remumwe anofamba achifumura nyaya dzemumwe wake,+Asi munhu akavimbika* anochengeta mashoko aanoziva.*
14 Kana pasina kutungamirira kweunyanzvi,* vanhu vanowa,Asi panova nekubudirira* kana vanopa mazano vakawanda.+
15 Munhu wese anoita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake zvichamuipira,+Asi munhu wese anoramba* kupinda muchibvumirano chekubatana maoko anenge akachengeteka.
16 Mukadzi ane unhu* anowana rukudzo,+Asi varume vane utsinye, vanopamba pfuma.
17 Murume ane mutsa* anoita zvinomubatsira,*+Asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.*+
18 Munhu akaipa anowana mubayiro wekunyengera,+Asi uya anodyara kururama anowana mubayiro wechokwadi.+
19 Munhu anotsigira kururama zvakasimba achawana upenyu,+Asi uya anodzingirirana nezvakaipa achawana rufu.
20 Vaya vane mwoyo isina kururama vanosemesa Jehovha,+Asi vaya vasina chavanopomerwa munzira dzavo vanomufadza.+
21 Iva nechokwadi neizvi: Munhu akaipa haazoregi kurangwa,+Asi vana vevakarurama vachapukunyuka.
22 Sezvakaita rin’i yegoridhe iri pamhino yenguruve,Ndizvo zvakaita mukadzi ane runako asi asina kuchenjera.
23 Chido chemunhu akarurama chinoguma mune zvakanaka,+Asi zvinotarisirwa nevakaipa zvinoguma nekuratidzwa hasha.
24 Mumwe anopa zvakawanda* asi anoguma ava nezvakawanda;+Mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi anopedzisira ava murombo.+
25 Munhu akasununguka kupa vamwe achabudirira,*+Uye munhu wese anozorodza vamwe* achazorodzwawo.+
26 Vanhu vachatuka munhu anonyima zviyo,Asi vachakomborera munhu anozvitengesa.
27 Uya anoshingaira kuita zvakanaka anenge achitsvaga kufarirwa,+Asi uya ari kutsvaga zvakaipa, izvozvo hazvimbotadzi kuuya paari.+
28 Anovimba nepfuma yake achawa,+Asi vakarurama vachabudirira semashizha akasvibirira.+
29 Munhu wese anounzira mhuri yake dambudziko,* achagara nhaka yemhepo,+Uye benzi richava muranda wemunhu ane mwoyo wakachenjera.
30 Zvibereko zvemunhu akarurama muti weupenyu,+Uye uya anowana vanhu* akachenjera.+
31 Kana munhu akarurama panyika achipiwa mubayiro,Ko kuzoti munhu akaipa uye mutadzi!+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “chiyero chedombo chakakwana.”
^ Kana kuti “Zvinhu zvinokosha hazvizobatsiri.”
^ Kana kuti “asingadi Mwari.”
^ Kana kuti “anoshora.”
^ Kana kuti “njere.”
^ ChiHeb., “akatendeka pamweya.”
^ ChiHeb.,“anofukidza nyaya.”
^ Kana kuti “kweuchenjeri.”
^ Kana kuti “neruponeso.”
^ ChiHeb., “anovenga.”
^ Kana kuti “akanaka.”
^ Kana kuti “Murume ane rudo rusingachinji.”
^ Kana kuti “anoitira mweya wake zvakanaka.”
^ Kana kuti “anozvinyadzisa.”
^ ChiHeb., “anoparadzira.”
^ ChiHeb., “achakodzwa.”
^ ChiHeb., “anopa vamwe mvura yekunwa yakawanda.”
^ Kana kuti “anonyadzisa mhuri yake.”
^ Kana kuti “mweya.”