Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

March 3-9

ZVIREVO 3

March 3-9

Rwiyo 8 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Ratidza Kuti Unovimba naJehovha

(10 min.)

Usazvivimba, asi vimba naJehovha (Zvi 3:5; ijwbv nyaya 14 ¶4-5)

Ratidza kuti unovimba naJehovha kuburikidza nekubvuma kutungamirirwa naye uye kuita zvaanotiudza (Zvi 3:6; ijwbv nyaya 14 ¶6-7)

Usazviona sewakachenjera (Zvi 3:7; be 76 ¶4)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndinotsvaga kutungamirirwa naJehovha here pane zvese zvandinoita?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Zvi 3:3—Tinosungirira sei rudo rusingachinji nekutendeka muhuro medu, uye zvinhu izvozvo tinozvinyora sei pahwendefa remwoyo yedu? (w06 9/15 17 ¶7)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Paridzira munhu ambotanga asingadi kuparidzirwa. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 5)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Muudze nezvewebsite yedu uye musiyire kadhi rejw.org. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 3)

6. Hurukuro

(5 min.) w11 3/15 14 7-10—Musoro: Vimba naMwari Paunosangana Nevanhu Vasingambokendengi Uye Vanopikisa Muushumiri. (th chidzidzo 20)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 124

7. Ratidza Kuti Unovimba Nesangano raJehovha

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Kakawanda kacho, zviri nyore kuteerera mirayiridzo yakajeka inotaurwa muBhaibheri. Asi zvinogona kuoma kuteerera mirayiridzo yatinopiwa nevanhu vane chivi vari kutungamirira musangano raJehovha, kunyanya kana zvavanotiudza zvacho tisiri kunyatsozvinzwisisa kana kuti tisiri kubvumirana nazvo.

Verengai Maraki 2:​7, mobvunza vateereri kuti:

  • Nei zvisingatishamisi kuti Jehovha anoshandisa vanhu vane chivi kutungamirira vanhu vake?

Verengai Mateu 24:​45, mobvunza vateereri kuti:

  • Nei tichigona kuvimba nemirayiridzo yatinopiwa nesangano raJehovha?

Verengai VaHebheru 13:​17, mobvunza vateereri kuti:

  • Nei tichifanira kutsigira zvinenge zvasarudzwa nevaya vanoshandiswa naJehovha kutitungamirira?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 9 2021—Chidimbu, mobvunza vateereri kuti:

  • Mirayiridzo yataipiwa panguva yeCOVID-19 yakasimbisa sei kuvimba kwaunoita nesangano raJehovha?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 57 Nemunyengetero