Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tiwedzere Kudanana Here?
CHITSAUKO 24
Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tiwedzere Kudanana Here?
Heather ave achifambidzana naMike kwemwedzi miviri chete, asi anonzwa sokuti akabvira kare achimuziva. Vanogara vachitumirana mameseji paserura dzavo, vanopedza maawa akawanda vachitaura vose pafoni, uye mumwe nomumwe anogona kupedzisa zvinenge zvichitaurwa nemumwe. Asi sezvavakagara zvavo mumotokari yakapakwa vakavhenekerwa nemwedzi, Mike ava kuda zvinopfuura kungotaura chete.
Mumwedzi miviri yapfuura, Mike naHeather havana chimwe chavakaita kunze kwokubatana maoko uye kutsvodana zvishoma. Heather haadi kuti zvipfuure ipapo. Asi haadiwo kurambwa naMike. Hapana mumwe munhu anoita kuti anzwe ari tsvarakadenga, uye achikosha chaizvo. ‘Uyezve, ini naMike tiri kudanana . . . ,’ anodaro nechomumwoyo.
ZVICHIDA ungafungidzira kuti zviri muchiitiko ichi zvakananga kupi. Asi ungasaziva kuti zvinhu zvichakurumidza kuchinjira Mike naHeather sei kana vakarara vose uye kuchinja kwacho hakuzoiti kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka. Funga zvinotevera:
Kana ukatyora mutemo wezvinhu zvakasikwa, wakadai sesimba rinokwevera zvinhu pasi, unotambura nezvinoguma zvaitika. Izvozvo zvakangofanana nokutyora mutemo une chokuita netsika, wakadai souya unoti: “Murege ufeve.” (1 VaTesaronika 4:3) Migumisiro yokusateerera murayiro iwoyo ndeipi? Bhaibheri rinoti: “Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.” (1 VaKorinde 6:18) Izvozvo ndezvechokwadi sei? Ona kana uchigona kunyora pasi apa zvinhu zvitatu zvakaipa zvinoitika kune vaya vanorara vose vasati varoorana.
1 ․․․․․
2 ․․․․․
3 ․․․․․
Zvino chitarisa zvawanyora. Wanyora here zvinhu zvakadai sechirwere chepabonde, pamuviri pasingadiwi, kana kuti kusafarirwa naMwari? Chokwadi iyi migumisiro yakaipa ingavapo kumunhu chero upi zvake anotyora mutemo waMwari wetsika panyaya youfeve.
Pasinei naizvozvo, ungangonzwa uchida kuzviita. Ungati, ‘Hapana chichaitika kwandiri.’ Ko munhu wese haasi kuita zvepabonde here? Vezera rako kuchikoro vanotovhaira pamusana pokuita zvepabonde, uye zvinoita sokuti hapana chinombovanetsa. Zvichida, saHeather ataurwa kwokutanga, ungatofunga kuti kuita zvepabonde kuchaita kuti iwe nemumwe wako muwedzere kudanana. Kunze kwaizvozvo, ndiani anoda kusekwa nokuti haasati amborara nomumwe munhu? Hazvisi nani here kuti ndizviitewo?
Imbotanga wafunga! Kutanga, haasi munhu wese ari kuzviita. Ichokwadi kuti ungaverenga mashoko anoratidza kuti vechiduku vakawanda vari kuita zvepabonde. Somuenzaniso, imwe ongororo yokuUnited States yakaratidza kuti vechiduku vomunyika iyoyo vaviri pavatatu vega vega pavanozopedza chikoro chesekondari, vanenge vava kutoita zvepabonde. Asi izvozvo zvinorevawo kuti mumwe chete pavatatu—kureva nhamba yakati kurei, havasi kuzviita. Zvakadini nevaya vari kuzviita? Vanotsvakurudza vakaona kuti vechiduku vakawanda vakadaro vanozongoerekana vatarisana nechinhu chimwe chete kana kuti kupfuura chisingafadzi pane zvinotevera.
CHISINGAFADZI 1 KUNETSEKA. Vechiduku vakawanda vakaita zvepabonde vasati varoorana vanoti vakazozvidemba.
CHISINGAFADZI 2 KUSAVIMBANA. Pashure pokunge vaita zvepabonde, mumwe nomumwe anotanga kufunga kuti, ‘Ndiani mumwe waakamborara naye?’
CHISINGAFADZI 3 KUODZWA MWOYO. Mukatikati memwoyo, vasikana vakawanda vanoda mumwe munhu achazovadzivirira, kwete kuvashandisa. Vakomana vakawanda vanoona kuti havanyanyi kukwezvwa nemusikana anenge abvuma kurara navo.
Kuwedzera pane zviri pamusoro apa, vakomana vakawanda vakataura kuti vaisazombofa vakaroora musikana wavakamborara naye. Nei? Nokuti vanoda munhu asina kumboziva murume!
Kana uri musikana, izvozvo zvinokushamisa here, kunyange kutokushatirisa? Kana zvakadaro, yeuka izvi: Zvinoitika chaizvo vanhu vakaita zvepabonde vasati varoorana zvakasiyana zvikuru nezvinoratidzwa mumafirimu uye paTV. Vebhizimisi rezvinovaraidza vanoita kuti kuita zvepabonde kwevechiduku kuite semafaro asingakuvadzi kana kuti kunyange rudo chairwo. Asi usanyengerwa! Vaya vangaedza kukunyengetedza kuti muite zvepabonde musati maroorana vari kungotsvaka zvakavanakira chete. (1 VaKorinde 13:4, 5) Uyezve, munhu anokuda zvechokwadi angaisa utano hwako pangozi kana kuita kuti unetseke mupfungwa here? (Zvirevo 5:3, 4) Uye munhu ane hanya newe zvechokwadi angakuisa pamuedzo kuti ukanganise ukama hwako naMwari here?—VaHebheru 13:4.
Kana uri jaya uye uine wauri kudanana naye, zvataurwa muchitsauko chino zvinofanira kuita kuti ufungisise nezvokudanana kwenyu. Zvibvunze kuti, ‘Ndine hanya chaizvoizvo nomusikana wangu here?’ Kana mhinduro yako iri hungu, unganyatsozviratidza sei? Nokuva nesimba rokutsigira mitemo yaMwari, kuva nouchenjeri hwokudzivisa miedzo, uye kuva nerudo rwokutsvaka zvakamunakira. Kana ukaita izvozvo, zvichida musikana wako achanzwa sezvaiita muShuramiti aiva netsika dzakanaka, uyo akati: “Mudiwa wangu ndewangu uye ini ndiri wake.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:16) Pasina kutaura zvakawanda, uchava gamba rake!
VaRoma 1:24) Ndokusaka vakawanda chaizvo vachizonzwa vari mademhe uye vasingabatsiri, sokunge kuti vangobvumira chimwe chinhu chinokosha chaiva pavari kuti chibiwe! Usarega izvozvo zvichiitika kwauri. Kana mumwe munhu akaedza kukunyengetedza kuti muite zvepabonde achiti, “Kana uchindida, unoita izvi,” pindura zvakasimba kuti, “Kana uchindida, haukumbiri izvozvo!”
Hazvinei kuti uri mukomana kana kuti musikana, kana ukabvuma kuita zvepabonde musati maroorana, unenge uchizvibvisa unhu nokutambisa chimwe chinhu chinokosha chaizvo. (Muviri wako unokosha chaizvo zvokuti hausi wokutambisa. Ratidza kuti wakashinga kuteerera murayiro waMwari wokusaita ufeve. Kana rimwe zuva ukazoroora kana kuroorwa, unogona kuzoita zvepabonde. Ipapo uchazonakidzwa nazvo zvikuru, pasina kuzvidya mwoyo, kuzvidemba uye kunetseka sezvinowanzoitika vanhu pavanoita zvepabonde vasati varoorana.—Zvirevo 7:22, 23; 1 VaKorinde 7:3.
[Mufananidzo uri papeji 174]
VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, ZVITSAUKO 4 NE5
Tsika yokuita bonhora yakakomba zvakadini?
RUGWARO RUNOKOSHA
“Tizai ufeve. . . . Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.”—1 VaKorinde 6:18.
ZANO
Panyaya yezvaunoita nevakomana kana kuti vasikana, murayiro wakanaka wokutevera ndeuyu: Kana chiri chinhu chausingadi kuti vabereki vako vakuone uchichiita, haufaniri kuchiita.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Pashure pokunge vaita zvepabonde, kazhinji mukomana anosiya musikana oenda kune mumwe.
ZVANDINORONGA KUITA!
Pandinenge ndiine munhu ane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzangu, mamiriro ezvinhu andinofanira kudzivisa ndeaya ․․․․․
Kana munhu ane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzangu achida kuti tionane panzvimbo yatisingaonekwi, ndichati ․․․․․
Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Kunyange zvazvo muviri une chivi ungada kuita zvepabonde musati maroorana, nei zvakaipa kuti uzviite?
● Uchaitei kana mumwe munhu akakukumbira kuti muite zvepabonde?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 176]
SomuKristu, une unhu hunoita kuti vamwe vakufarire. Saka unofanira kungwarira uye kuramba kana mumwe munhu akati uite naye zvounzenza. Koshesa unhu ihwohwo. Usazvitambisa!’’—Joshua
[Mufananidzo uri papeji 177]
Kuita zvepabonde musati maroorana kwakaita sekutora mufananidzo wakanaka zvikuru woushandisa semeti yekupukutira makumbo padhoo