Kuchembera; Vakwegura
Chii chinoitika munhu paanotanga kuchembera?
Onawo “Kunyaradza—Kusakwanisa kuita zvakawanda nemhaka yekurwara kana kukwegura”
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Mup 12:1-8—Mambo Soromoni akaimba nhetembo inoratidza zvinoitika munhu paanenge achembera, zvakadai sekusaona zvakanaka (“vakadzi vanotarisa nepamahwindo vava kuona rima”) uye nzeve dzinenge dzisisanyatsonzwe (“vanasikana vese verwiyo vava kunzwikira pasi pasi”)
-
Vakwegura vanogona kuramba vachifara here pasinei nematambudziko anokonzerwa nekukura?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 12:2, 23—Muprofita Samueri paakanga akwegura aiziva kuti zvakakosha kuti arambe achinyengeterera vanhu vaJehovha
-
2Sa 19:31-39—Mambo Dhavhidhi akatenda chaizvo kutsigirwa kwaakaitwa naBhazirai uyo akanga akwegura. Bhazirai akazvininipisa akaudza Dhavhidhi kuti akanga asingachakwanisi kuenda naye kuJerusarema nemhaka yekukura
-
Pis 71:9, 18—Mambo Dhavhidhi aitya kuti aisazokwanisa kuramba achishandiswa naJehovha paakanga akwegura saka akakumbira Jehovha kuti asamurasa asi amupe simba rekuti akwanise kuramba achiudza zvizvarwa zvinotevera nezvekunaka kwake
-
Ru 2:36-38—Muprofitakadzi Ana akanga akwegura uye ava chirikadzi, kunyange zvakadaro Jehovha akamukomborera nemhaka yekuzvipira kwake uye kuvimbika kwaainge akaita pakumushumira
-
Jehovha anoratidza sei kuti anokoshesa vakwegura?
Pis 92:12-14; Zvi 16:31; 20:29; Isa 46:4; Tit 2:2-5
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 12:1-4—Abrahamu paakanga ava nemakore 75, Jehovha akamupa basa raizoita kuti abve kunyika yaakanga ararama kweupenyu hwake hwese
-
Dha 10:11, 19; 12:13—Dhanieri paakanga ava nemakore ekuma90, ngirozi yakamushanyira kuti imuudze kuti Jehovha aimukoshesa uye aizowana mubayiro nemhaka yekuti akanga akavimbika
-
Ru 1:5-13—Zekariya naErizabheti pavakanga vakwegura, Jehovha akaita chishamiso akaita kuti vave nemwanakomana ainzi Johani
-
Ru 2:25-35—Jehovha akaita kuti murume akanga akwegura ainzi Simiyoni aone Mesiya achiri mucheche; Simiyoni akataura mashoko euprofita nezvezvaizoitwa naMesiya
-
Mab 7:23, 30-36—Mozisi akanga ava nemakore 80 Jehovha paakamupa basa rekuti atungamirire vaIsraeri
-
Tinofanira kubata sei vakwegura?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 45:9-11; 47:12—Josefa akaita kuti baba vake Jakobho vaunzwe kuIjipiti uye akavachengeta kusvika pavakazofa
-
Rut 1:14-17; 2:2, 17, 18, 23—Rute akaratidza nemashoko ake uye nezviito kuti aida uye aikoshesa vamwene vake vakanga vakwegura
-
Joh 19:26, 27—Jesu paakanga ava kufa akakumbira Johani kuti asare achichengeta amai vake
-
Zvii zvatingaita kuti tibatsire vakwegura vanenge vari muungano?