CHIKAMU 14
Ungaratidza Sei Kuti Wakavimbika Kuna Jehovha?
Tsigira Mwari. 1 Petro 5:6-9
Usaita zvinhu zvisingabvumirwi neBhaibheri. Izvi zvinoda kushinga.
Usapindira mune zvematongerwo enyika. Munhu anoita zvematongerwo enyika anenge achiratidza kuti haatsigiri Jehovha neUmambo hwake.
Mateu 7:24, 25
Ita chisarudzo chakanaka chekuteerera Mwari.Shamwaridzana neZvapupu zvaJehovha; vachakubatsira kuti uswedere pedyo naMwari.
Ramba uchidzidza nezvaMwari uchiedza kuteerera mirayiro yake.
Kana kutenda kwako kwasimba, unofanira kutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha wobhabhatidzwa.—Mateu 28:19.
Teerera Mwari. Verenga Bhaibheri, uye kumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikubatsire kurinzwisisa. Ibva waita zvaunenge wadzidza. Kana ukadaro, uchararama nekusingaperi.—Pisarema 37:29.