Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupera Kuchaita Rusarura

Kupera Kuchaita Rusarura

Vanhu vakawanda vakashandisa mazano ataurwa munyaya dzapfuura uye vakabudirira chaizvo kubvisa rusarura mumwoyo mavo. Asi chokwadi ndechekuti tiri tega hatikwanisi kunyatsobvisa rusarura. Saka zvinoreva here kuti rusarura haruchambofi rwakapera?

Hurumende Yakanaka

Hurumende dzepanyika hadzisi kukwanisa kupedza rusarura. Izvi zvinoreva here kuti hapana hurumende ichakwanisa kupedza rusarura?

Hurumende ichakwanisa kupedza rusarura inofanira kuita zvinotevera

  1. 1. Inofanira kubatsira vanhu kuti vachinje mafungiro avo uye maonero avanoita vamwe vanhu.

  2. 2. Inofanira kubvisa marwadzo evanhu vakambosarurwa kuti vakwanisewo kubata vamwe zvakanaka.

  3. 3. Inofanira kuva nevatungamiriri vanobata vanhu vese zvakaenzana.

  4. 4. Inofanira kuita kuti vanhu vemarudzi ese vabatane.

Bhaibheri rinoratidza kuti hurumende inokwanisa kuita izvi itoripo uye inonzi “Umambo hwaMwari.”—Ruka 4:43.

Inzwa zvichaitwa nehurumende iyoyo.

1. Ichadzidzisa Vanhu Tsika Dzakanaka

‘Vagari vepanyika vachadzidza nezvekururama.’—ISAYA 26:9.

“Kururama kwechokwadi kuchaita kuti pave nerugare, uye kururama kwechokwadi kuchabereka runyararo nekuchengeteka zvinoramba zviripo.”—ISAYA 32:17.

Mashoko aya anorevei? Umambo hwaMwari huchadzidzisa vanhu zvinhu zvakarurama. Kana vanhu vakadzidziswa kuti zvakarurama ndezvipi, zvinovabatsira kuti vachinje maonero avanoita vamwe vanhu. Uye vachaona kuti vanofanira kuda marudzi ese evanhu.

2. Kubvisa Marwadzo

Mwari “achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—ZVAKAZARURWA 21:4.

Mashoko aya anorevei? Umambo hwaMwari huchabvisa marwadzo ese akakonzerwa nerusarura. Vanhu vakambosarurwa vanenge vasisina chikonzero chekuti varambe vakagumbuka.

3. Utungamiriri Hwakanaka

“Haazotongi nezvaanoona nemaziso ake, kana kutsiura nezvaanongonzwa nenzeve dzake. Achatonga vakaderera zvakanaka, uye achatsiura nekururama achiitira vanyoro venyika.”—ISAYA 11:3, 4.

Mashoko aya anorevei? Jesu Kristu ndiye Mambo wehurumende yaMwari yekudenga uye achatonga vanhu vanenge vari panyika zvakarurama uye asingasaruri. Jesu haana rudzi rwaanosarura uye achava nechokwadi chekuti mitemo yake yakarurama yatevedzerwa pasi rese.

4. Kubatana

Umambo hwaMwari hunodzidzisa vanhu ‘kuva nemafungiro mamwe chete, nerudo rumwe chete, vakanyatsobatana vachiva nekufunga kumwe chete.’—VAFIRIPI 2:2.

Mashoko aya anorevei? Kubatana kunenge kwakaita vanhu vanenge vachitongwa neUmambo hwaMwari kunenge kusiri kwekunyepedzera. Vachange ‘vakanyatsobatana’ nekuti vanenge vachiratidzana rudo rwepachokwadi.