Ziva Kuti Vamwe Vane Zvavanogona Zvausingakwanisi
Dambudziko
Kuzvikudza kunogona kuita kuti munhu atarisire vamwe pasi. Munhu anozvikudza anonyanya kuzvitarisira pamusoro achizviona seanokosha. Anenge achiona vanhu vakasiyana naye sepasina zviripo. Munhu wese anogona kuva nemafungiro aya. Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti: “Vanhu vakawanda vanoona sekuti mararamiro avo, zvekudya zvavo, zvavanopfeka, tsika dzavo, chitendero chavo, zviri nani kana vachizvienzanisa nezvevamwe.” Tingaita sei kuti tisava nemafungiro aya akaipa?
Zvinotaurwa neBhaibheri
“Zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri.”—VAFIRIPI 2:3.
Zvinorevei? Tinofanira kuzvininipisa torega kuzvikudza. Izvi zvichaita kuti tione kuti vamwe vanhu vane zvimwe zvavanogona kutipfuura. Hapana munhu anogona zvese.
Inzwa zvakaitika kuna Stefan. Aitarisira vanhu vekune dzimwe nyika pasi. Asi akazochinja mafungiro ake. Akati: “Kuona vamwe sevari nani kukupfuura kunokubatsira chaizvo kuti usava munhu ane rusarura. Handizivi zvinhu
zvese. Ndinogona kudzidza zvimwe zvinhu kubva kune vamwe.”Zvaunogona Kuita
Ona zvinhu sezvazviri uye bvuma kuti une zvaunokanganisa. Tarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe zvausingakwanisi kuita. Usafunga kuti kana mumwe munhu aine zvimwe zvinhu zvaanokanganisa, ndizvo zvakaita vanhu vese verudzi irworwo.
Panzvimbo pekufungira zvakaipa munhu werumwe rudzi, zvibvunze kuti:
Ziva kuti vamwe vanhu vane zvimwe zvinhu zvavanogona kukupfuura
-
‘Unhu hwaainahwo hwandisingafariri hwakanyanya kuipa here kana kuti kungosiyana kwatakaita?’
-
‘Pane zvakaipa zvaanoonawo here pandiri?’
-
‘Zvii zvaanogona kundipfuura?’
Kana ukapindura mibvunzo iyoyo usingazvinyeperi uchakwanisa kubvisa rusarura uye kuona zvimwe zvinhu zvinoyemurika pamunhu iyeye.