Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Hondo

Hondo

VaIsraeri pavairwa hondo, vaitsigirwa naMwari wavo, Jehovha. Izvi zvinoreva here kuti Mwari achiri kutsigira hondo dziri kuitika mazuva ano?

Nei vaIsraeri vakarwa hondo?

ZVINOTAURWA NEVANHU

 

VaIsraeri vainamata ‘mwari wehondo’ aifarira kuteurwa kweropa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Nyika dzakarwiswa nevaIsraeri dzaifarira zvekurwa uye zvinhu zvinosemesa zvakadai sekurara nemhuka, makunakuna uye kupira vana sezvibayiro. Pashure pekunge ambovapa nguva yakareba yekuti vasiye zvinhu izvozvo, Mwari akazoti: “Marudzi andiri kudzinga pamberi penyu akazvisvibisa nezvinhu izvi zvose.”​—Revhitiko 18:21-25; Jeremiya 7:31.

“Jehovha Mwari wako ari kudzinga marudzi aya pamberi pako nokuda kwokuipa kwawo.”​—Dheuteronomio 9:5.

Mwari ane vaanotsigira here pahondo dziriko mazuva ano?

ZVIMWE WAKAONA KUTI

 

Pakurwisana kunoitika munyika, vatungamiriri vezvitendero vanotsigira kurwisana kwacho vachiti Mwari achavabatsira. Bhuku rinonzi The Causes of War rinoti, “Zvitendero zvagara zvichitsigira hondo dzese dzinorwiwa.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

VaKristu havabvumirwi kurwisa vavengi vavo. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaainamata navo kuti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose. Musatsiva.”​—VaRoma 12:18, 19.

Jesu haana kutuma vateveri vake kuti vanorwa hondo. Akavaudza kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:44, 45) Kunyange kana munyika yavanogara mukaita hondo, vaKristu havana wavanotsigira nekuti ‘havasi venyika.’ (Johani 15:19) Kana Mwari achida kuti vanamati vake pasi rese vade vavengi vavo uye varambe vakaparadzana nenyika, angazotsigira sei hondo dziri kuitika?

“Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.”​—Johani 18:36.

Hondo dzichazombopera here?

ZVINOTAURWA NEVANHU

 

Hondo dzicharamba dziriko. Bhuku rinonzi War and Power in the 21st Century rinoti, “Hondo hadzisi kuzofa dzakapera. Mukore uno hakuna chingaita kuti panyika pave nerugare.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Hurumende yaMwari yekudenga ichaparadza zvombo zvese, yodzidzisa vanhu kuti vave nerugare. Kana zvadaro, panenge pasisina munhu anoda zvekurwa. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari “achatonga pakati pemarudzi mazhinji, oruramisa zvinhu pamusoro pemarudzi ane simba ari kure. Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Havazosimudzirani mapakatwa, rudzi norudzi, uyewo havazodzidzizve kurwa.”​—Mika 4:3.

Bhaibheri rinotaura kuti hurumende yaMwari painenge yava kutonga, panenge pasisina hurumende dzevanhu dzinotsvaga zvakadzinakira, mitemo inodzvinyirira inoita kuti vagari vemunyika vapanduke, kana kuti rusaruraganda. Saka panenge pasisina kurwisana. Mwari anovimbisa kuti: ‘Hazvizombokuvadzi kana kumboparadza; nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.’​—Isaya 11:9.

“Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”​—Pisarema 46:9.