Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotaura Chokwadi

Bhaibheri Rinotaura Chokwadi

Kubvira kare, vanhu vanobva kwakasiyana-siyana vagara vachiona Bhaibheri sebhuku rinotaura chokwadi. Mazuva ano vakawanda vanotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, asi kune vamwe vanoti Bhaibheri harishandi uye zvarinotaura hazviitiki. Ko iwe unoti kudii? Ungawana chokwadi muBhaibheri here?

UNOGONA KUVIMBA NEBHAIBHERI

Ungaziva sei kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi? Funga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii une shamwari yako yemakore inotaura chokwadi nguva dzese. Zviri pachena kuti unovimba neshamwari yakadaro. Bhaibheri rakafanana neshamwari inogara ichitaura chokwadi here? Ngationei mienzaniso inotevera.

Vanyori Varo Vakavimbika

Vanyori veBhaibheri vainge vakavimbika uye vaitonyora zvinhu zvavaikanganisa. Semuenzaniso, muprofita Jona akanyora nezvekusateerera kwaakaita. (Jona 1:1-3) Jona akapedzisa bhuku rake reBhaibheri achinyatsoratidza kuti Mwari akamutsiura sei uye haana kuda kuzvirumbidza nekutaura kuti akagadzirisa sei. (Jona 4:1, 4, 10, 11) Kuvimbika kwevanyori vese veBhaibheri kunoratidza kuti vaida kuti vanhu vazive chokwadi.

Zvarinotaura Zvinoshanda Muupenyu

Bhaibheri rine mazano anoshanda muupenyu here? Ehe. Semuenzaniso pane zvarinotaura zvatingaita kuti tiwirirane nevamwe. Rinoti: “Saka zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.” (Mateu 7:12) Rinotiwo: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Saka mazano ari muBhaibheri achiri kushanda mazuva ano sezvaaingoita paakanyorwa.

Rinotaura Chokwadi Panyaya Dzakaitika Kare

Zvakawanikwa nevanochera matongo mumakore akapfuura zvinoratidza kuti nyaya dzinotaurwa muBhaibheri ndedzechokwadi. Semuenzaniso, pane umboo hunotsigira zvinotaurwa mubhuku raNehemiya. Bhaibheri rinoti mumazuva aNehemiya kune vanhu vekuTire vaigara muJerusarema (kureva vaFenikiya vaibva kuTire) “vaiuya nehove nezvekutengesa zvemarudzi ese.”—Nehemiya 13:16.

Pane umboo hwekuti zvinotaurwa muvhesi iyi ndezvechokwadi here? Ehe huripo. Vanochera matongo vakawana zvinhu zvekuFenikiya muIsraeri, izvo zvinoratidza kuti nyika mbiri idzi dzaidyidzana. Uyewo muJerusarema makawanikwa minzwa yehove dzemuGungwa reMediterranean. Vanoti hove idzi dzaiunzwa nevanhu vaitengesa vachibva kure kugungwa. Pashure pekuongorora umboo uhwu, imwe nyanzvi yakati: “Mashoko ari pana Nehemiya 13:16 ekuti vanhu vekuTire vaitengesa hove kuJerusarema anoratidza kuti ndeechokwadi.”

Rinotaura Chokwadi Panyaya Dzesainzi

Bhaibheri rinonyanya kutaura nezvekunamata uye zvakaitika kare. Asi parinotaura zvesainzi, rinotaura chokwadi. Funga nezvemuenzaniso unotevera.

Makore 3 500 akapfuura, Bhaibheri rakataura kuti nyika yakarembedzwa “pasina chinhu.” (Jobho 26:7) Izvi zvakanga zvakasiyana chaizvo nengano dzaitaurwa nevanhu dzekuti nyika yakayangarara pamusoro pemvura kana kuti yakagara pazikamba zihombe. Papera makore 1 100 kubva pakanyorwa bhuku raJobho, vanhu vakanga vachiri kungofunga kuti hazviiti kuti nyika ingorembera mumhepo, vaifunga kuti inotofanira kuva nepayakagara. Makore 300 apfuura, muna 1687, Isaac Newton ndipo paakazonyora achitaura nezveongororo dzaakaita dzinoratidza kuti simba regravity ndiro rinoita kuti nyika irambe iri mumhepo. Zvaakanyora izvi zvakaratidza kuti zvakanga zvataurwa neBhaibheri makore 3 000 akanga apfuura ndezvechokwadi!

Rinotaura Uprofita Hwechokwadi

Uprofita huri muBhaibheri ndehwechokwadi here? Funga nezveuprofita hwakataurwa naIsaya nezvekuparadzwa kweguta rainzi Bhabhironi.

Zvaakaprofita: Mumakore ekuma700 B.C.E., munyori weBhaibheri Isaya akataura kuti Bhabhironi, iro raizova guta guru reumambo hwaiva nesimba chaizvo raizoparadzwa rosara risina anogara mariri. (Isaya 13:17-20) Isaya akatotaura zita remurume aizoparadza guta racho kuti aizonzi Koreshi. Akataurawo kuti Koreshi aizorwisa sei guta racho achiti, ‘aizoomesa nzizi.’ Akaprofitawo kuti magedhi eguta racho aizosiyiwa akavhurwa.—Isaya 44:27–45:1.

Kuzadzika Kwazvakaita: Papera makore 200 kubva pakataurwa mashoko aya naIsaya, pana mambo wePezhiya akarwisa Bhabhironi. Aiva ani? Koreshi. Sezvo zvainge zvakaoma chaizvo kuti munhu apinde muBhabhironi, Koreshi akafunga kupinda nemurwizi rwainzi Yufratesi, urwo rwaiyerera nemuguta racho. Masoja ake akachera mugero nechekumusoro kwerwizi rwacho. Izvi zvakaita kuti mvura yerwizi idzikire zvekuti Koreshi nemasoja ake vakakwanisa kufamba nemurwizi rwacho, mvura ichisvika muzvidya kusvikira vasvika pamasvingo eguta racho. Musi iwoyo, vaBhabhironi vakasiya magedhi ainge akatarisana nerwizi akavhurika! Koreshi nemasoja ake vakapinda zvavo nepamagedhi acho nyore nyore vachibva vakunda guta racho.

Asi pane zvimwe zvakanga zvakaprofitwa naIsaya. Akati Bhabhironi raisazogarwa. Pakaita mazana emakore vanhu vachingogara muBhabhironi. Asi iye zvino, paimbova neBhabhironi pedyo neguta reBaghdad, kuIraq, angova matongo chete kuratidza kuti uprofita hwacho hwakazadzika. Saka Bhaibheri rinotaura chokwadi, kunyange nezvezvinhu zvichaitika mune ramangwana.