Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kunogona Kuchinja Upenyu Hwako

Kutenda Kunogona Kuchinja Upenyu Hwako

Kutenda Kunogona Kuchinja Upenyu Hwako

“ZVECHOKWADI zvinobvira kuva netsika dzakanaka pasina Mwari.” Kwaiva kutaura kwomumwe anoti hapana uchapupu hwokuti Mwari ariko kana kuti haako. Akataura kuti akanga arera vana vake netsika dzakakwirira, uye, ivowo vakanga varera vana vavo nemaitiro akakwirira akafanana—vose vasingatendi muna Mwari.

Izvi zvinoreva here kuti kutenda muna Mwari hakuna basa? Sezviri pachena, munhu uyu aifunga kudaro. Uye ichokwadi kuti munhu wose asingadaviri muna Mwari haasi hake munhu akaipa chaizvoizvo. Muapostora Pauro akataura nezve“vanhu vemamwe marudzi” vasingazivi Mwari asi “vanoita nenzira yokusikwa nayo zvinhu zvomutemo.” (VaRoma 2:14) Vose—kusanganisira vanoti hapana uchapupu hwokuti Mwari ariko kana kuti haako—vakazvarwa vane hana. Vakawanda vanoedza kutevera zvinorayirwa nehana dzavo kunyange kana vasingadaviri muna Mwari uyo akavapa pfungwa iyoyo yavakazvarwa nayo yezvakanaka nezvakaipa.

Zvisinei, kutenda kwakasimba muna Mwari—kwakavakirwa muBhaibheri—isimba rakasimba zvikuru rezvakanaka pane kutungamirirwa nehana pasina chinoyamura. Kutenda kwakavakirwa paShoko raMwari, Bhaibheri, kunotungamirira hana, kunoiita kuti inyatsosiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (VaHebheru 5:14) Uyezve, kutenda kunosimbisa vanhu kuti varambe vane maitiro akanaka pasinei zvapo nokudzvinyirira kukuru. Somuenzaniso, muzana ramakore rechi20, nyika dzakawanda dzakava pasi pesimba rehurumende dzezvamatongerwe enyika dzine uori, dzakamanikidza vanhu vangave vaiva vakadzikama kuti vaite utsinye hunotyisa. Zvisinei, vaya vanotenda Mwari zvechokwadi vakaramba kuita zvinopesana nenheyo dzavo, kunyange kana vaifanira kufa. Uyezve, kutenda kwakavakirwa muBhaibheri kunogona kuchinja vanhu. Kunogona kununura upenyu hunoita sehwarasika ndokubetsera vanhu kudzivisa zvikanganiso zvakanyanya. Funga nezvemienzaniso mishomanana.

Kutenda Kunogona Kuchinja Upenyu Hwemhuri

“Nokutenda kwenyu makawana zvisingabviri.” Akadaro mumwe mutongi wechiNgezi paaipa chisarudzo chake pakuchengetwa kwevana vaJohn naTania. John naTania pavakazivikanwa nezviremera, vaiva vasina kuroorana uye upenyu hwavo hwapamusha hwaityisa. John, aiva nechinetso chezvinodhaka uye muitiro wokubhejera, akanga ava kuita utsotsi kuti atsigire uipi hwake. Akarega kutarisira vana vake namai vavo. Saka, “chishamiso” chei chakanga chaitika?

Rimwe zuva, John akanzwa mwana muduku womukoma wake achitaura nezveParadhiso. Afadzwa, akabvunza vabereki vomukomana wacho. Vabereki vacho Zvapupu zvaJehovha, uye vakabetsera John kudzidza nezvayo muBhaibheri. Zvishoma nezvishoma, John naTania vakatanga kutenda kwakavakirwa muBhaibheri kwakachinja upenyu hwavo. Vakanyoresa muchato wavo ndokukurira uipi hwavo. Zviremera zvakaongorora mhuri yavo zvakaona chimwe chinhu chingadai chaiita sechisingabviri nguva pfupi yakanga yapfuura—mhuri inofara mumusha wakachena, nzvimbo inogamuchirwa yokurerera vana. Mutongi wacho aiva akarurama mukutaura kuti “chishamiso” ichi chakanga chakonzerwa nokutenda kwaiva kuchangowanikwa kwaJohn naTania.

Zviuru zvemakiromita kubva kuEngland, mumwe mukadzi muduku muNear East akanga ava kuda kuva mumwe wezvakaitika zvinosuruvarisa zvikuru. Akanga achironga kubatana nemamiriyoni ane michato inoguma nokurambana gore negore. Aiva nemwana, asi murume wake aiva ari mukuru zvakanyanya kwaari. Nokuda kwechikonzero ichi, hama dzake dzaimukurudzira kurambana, uye akanga atanga chaizvoizvo kugadzirira kudaro. Sezvineiwo, aidzidza Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Chapupu chacho pachakaziva nezvemamiriro acho ezvinhu, chakatsanangura zvinotaura Bhaibheri nezvokuroorana—somuenzaniso, kuti kuroorana chipo chinobva kuna Mwari uye kwete chimwe chinhu chokungorasawo zvacho. (Mateu 19:4-6, 9) Mukadzi wacho akati mupfungwa make, ‘Zvinoshamisa kuti mukadzi uyu, wandisingazivi, ari kuedza kuponesa mhuri yedu nepo vaya vari pedyo neni vachida kuiputsa.’ Kutenda kwake kwaakanga achangowana kwakamubetsera kuchengetedza muchato wake.

Nhamba inosuruvarisa inotapura upenyu hwemhuri ine chokuita nokubvisa pamuviri. Mushumo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose unofungidzira kuti makore ose vana vasina kuzvarwa vanopfuura mamiriyoni 45 vanourayiwa vachiri mudumbu. Chiitiko chimwe nechimwe chakadaro idambudziko. Zivo yeBhaibheri yakabetsera mumwe mukadzi muPhilippines kudzivisa kuva mumwe wevakaita izvozvo.

Mukadzi wacho akashanyirwa neZvapupu zvaJehovha, akabvuma bhurocha rokudzidza Bhaibheri rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?, * uye akatanga kudzidza Bhaibheri. Mwedzi yakazotevera, akatsanangura chikonzero chacho. Mukadzi wacho aive nenhumbu Zvapupu zvacho pazvakatanga kumushanyira, asi iye nemurume wake vakanga vasarudza kubvisa pamuviri pacho. Zvisinei, mufananidzo wemwana asati azvarwa uri papeji 24 yebhurocha racho wakaorora mwoyo womukadzi uyu. Kutsanangura kwakavakirwa muBhaibheri kuri pedyo nomufananidzo wacho kwokuti upenyu hutsvene nemhaka yokuti ‘kuna Mwari ndiko kune tsime roupenyu’ kwakamuita kuti achengete mwana wake. (Pisarema 36:9) Zvino ndimai vomucheche akanaka, akasimba.

Kutenda Kunobetsera Vaya Vanozvidzwa

MuEthiopia, vamwe varume vaviri vaiva vasina kupfeka zvakanaka vakauya kumusangano wokunamata waiitwa neZvapupu zvaJehovha. Pakapera musangano wacho, chimwe Chapupu chakazvisuma kwavari nenzira youshamwari. Varume vacho vakakumbira rubatsiro. Chapupu chacho chakavapa, kwete mari, asi chimwe chinhu chiri nani. Akavakurudzira kuva nokutenda muna Mwari, “kunokosha zvikuru kupfuura ndarama.” (1 Petro 1:7) Mumwe wavo akabvuma ndokutanga kudzidza Bhaibheri. Izvi zvakachinja upenyu hwake. Sezvaakakura mukutenda, akarega kusvuta, kudhakwa, unzenza, uye kushandisa khat (shizha rakasvibira rinodhaka). Akadzidza kuzvitsigira kwaangaita panzvimbo pokupemha uye zvino anorarama upenyu hwakachena, hune zvibereko.

MuItaly mumwe murume ane makore 47 akanga atongerwa makore gumi mujeri uye akachengetwa muchipatara chepfungwa. Mumwe weZvapupu zvaJehovha anobvumidzwa kupinda mumajeri kuti ape ruyamuro rwomudzimu akadzidza naye Bhaibheri. Murume wacho akakurumidza kufambira mberi. Kutenda kwakachinja upenyu hwake zvakanyanya zvokuti vamwe vasungwa zvino vanouya kwaari vachikumbira zano rokuti vobata sei nezvinetso zvavo. Kutenda kwake kwakavakirwa muBhaibheri kwakamuita kuti aremekedzwe, akosheswe, uye avimbwe nezviremera zvejeri.

Mumakore mashoma apfuura mapepanhau akashuma hondo dzavagari vomuAfrica. Dzinotyisa zvakanyanya inhau dzevakomana vaduku vanorovedzwa kuva masoja. Vana ivava vanodhakiswa nezvinodhaka, vanobatwa noutsinye, uye vanomanikidzwa kuita miitiro isina hunhu kuhama dzavo kuti vave nechokwadi chokuti vakavimbika chete kuboka ravari kurwira. Kutenda kwakavakirwa muBhaibheri kwakasimba zvakakwana zvokuchinja upenyu hwevaduku vakadaro here? Mune zvinenge zviitiko zviviri, kwaiva kwakadaro.

MuLiberia, Alex aishanda somukomana anobetsera mupristi muChechi yeKaturike. Asi pamakore 13, akabatana neboka rairwisa ndokuva musoja wemakoko achiri mwana. Kuti azvishingise muhondo, akatanga kuita zvouroyi. Alex akaona vakawanda veshamwari dzake vachiurayiwa, asi iye akapona. Muna 1997 akasangana neZvapupu zvaJehovha ndokuona kuti zvakanga zvisingamuzvidzi. Panzvimbo pezvo, zvakamubetsera kudzidza zvinotaura Bhaibheri pamusoro pechisimba. Alex akasiya uto racho. Sezvo kutenda kwake kwakatanga kukura, akatevedzera murayiro weBhaibheri wokuti: “Ngaarege zvakaipa aite zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere.”—1 Petro 3:11.

Munguvayo, aimbova musoja achiri mwana anonzi Samson akapfuura nomutaundi makanga mava kugara Alex. Akanga ari nhengo yokuimba asi muna 1993 akava musoja ndokubatanidzwa mukushandisa zvinodhaka zvisina kunaka, kudavira mudzimu, uye unzenza. Muna 1997 akabudiswa muchiuto. Samson akanga achienda kuMonrovia kuti andopinda mune uto chairo rinodzivirira apo shamwari yake yakamunyengetedza kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye somugumisiro, akava nokutenda kwakavakirwa muBhaibheri. Izvi zvakamupa ushingi hwokusiya nzira dzake dzokurwa. Alex naSamson zvino vava kurarama upenyu hune rugare nehune tsika. Chimwe chinhu kunze kwokutenda kwakavakirwa muBhaibheri chingachinja upenyu hwakanga huchibatwa noutsinye zvakanyanya here?

Rudzi Rwakanaka Rwokutenda

Iyi inongova mishomanana yemienzaniso yakawanda zvikuru ingagona kutaurwa nezvayo kuti ienzanisire simba rokutenda kwechokwadi kwakavakirwa muBhaibheri. Chokwadi, havasi vose vanongotaura kuti vanodavira Mwari vanorarama maererano nezvinodiwa neBhaibheri zvakakwirira. Zvechokwadi, vamwe vasingatendi kuti kuna Mwari vangararama upenyu huri nani pane vanozviti vaKristu. Imhaka yokuti kutenda kwakavakirwa muBhaibheri kunobatanidza zvinopfuura kungotaura kuti unodavira Mwari.

Muapostora Pauro akadana kutenda kuti “kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaoneka.” (VaHebheru 11:1) Saka, kutenda kunosanganisira kudavira kwakasimba—kwakavakirwa pauchapupu husingarambiki—mune zvinhu zvisingaonekwi. Zvinonyanya kusanganisira kunyatsogutsikana kuti Mwari aripo, kuti anotifarira, uye kuti achakomborera vaya vanoita zvaanoda. Muapostora wacho akatiwo: “Iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.

Rwaiva rudzi urwu rworudo rwakachinja upenyu hwaJohn, Tania, nevamwe vanotaurwa munyaya ino. Rwakavaita kuti vatarisire nechivimbo chakazara kuShoko raMwari, Bhaibheri, kuti rivatungamirire mukuita zvisarudzo. Rwakavabetsera kurega zvimwe zvinhu kwenguva duku kuitira kuti vasatore nzira yakavanakira, asi yakaipa. Kunyange chiitiko chimwe nechimwe chakanga chakasiyana nezvimwe, zvose zvakatanga munzira yakafanana. Mumwe weZvapupu zvaJehovha akadzidza Bhaibheri nevanhu ava, uye vakasvika pakuziva chokwadi chezvinotaura Bhaibheri kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Simba reShoko raMwari rakabetsera munhu mumwe nomumwe kuvaka kutenda kwakasimba kwakachinja upenyu hwake kuti huve nani.

Zvapupu zvaJehovha zviri kushingaira munyika dzinopfuura 230 uye zvitsuwa zvegungwa. Zvinokukoka kuti udzidze Bhaibheri. Nemhaka yei? Nokuti zvine chokwadi chokuti kutenda kwakavakirwa muBhaibheri kunogona kuvandudza zvikuru upenyu hwakowo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Kutenda kwakavakirwa muBhaibheri kunochinja upenyu kuti huve nani

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Title card of Biblia nieświeska by Szymon Budny, 1572