Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuramba Wakasimba Mwana Paanopanduka

Kuramba Wakasimba Mwana Paanopanduka

Kuramba Wakasimba Mwana Paanopanduka

MUMWE muKristu watichadana kuti Joy akaedza kurera mwanakomana wake kuti ade Jehovha Mwari. Zvisinei, paakanga ava kusvitsa makore 20, mwanakomana wacho akapanduka ndokubva pamusha. “Handina kumbenge ndarwadziwa zvakadaro,” anodaro Joy. “Ndakapererwa, ndakaora mwoyo uye ndakavhiringidzika. Ndakafunga kuti izvi ndizvo zvinhu zvakaipisisa zvakanga zvaitika.”

Zvichida newewo wakaedza kurera vana vako kuti vade uye vashumire Mwari, asi mumwe chete kana kuti vamwe vakazorega kumunamata. Ungaita sei mumamiriro ezvinhu akadaro okuora mwoyo? Chii chichakubatsira kuti urambe wakasimba mukushumira kwako Jehovha?

Pakapanduka Vanakomana vaJehovha

Danho rokutanga nderokuziva kuti Jehovha anoziva manzwiro auri kuita chaiwo. Pana Isaya 49:15, tinoverenga kuti: “Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa zvokuti angasanzwira tsitsi mwanakomana wedumbu rake here? Kunyange vakadzi ava vangakanganwa havo, asi ini handizokukanganwi.” Chokwadi, Jehovha anonzwawo semanzwiro anoita vanababa navanaamai. Naizvozvo, fungidzira kufara kwaanofanira kunge aiita vanakomana vake ngirozi pavaimurumbidza uye vachimushumira. Achipindura musoro wemhuri Jobho “ari mudutu,” Jehovha akataura nezvenguva inofadza yaakambova nayo nemhuri yake yakabatana yomudzimu, achiti: “Wakanga uri kupi pandakavaka nheyo yenyika? . . . Nyeredzi dzemangwanani padzakashevedzera nomufaro pamwe chete, uye vanakomana vose vaMwari pavakatanga kushevedzera vachirumbidza?”—Jobho 38:1, 4, 7.

Nokufamba kwenguva Mwari wechokwadi akaona mumwe mwanakomana wake ngirozi achimupandukira ndokuva Satani zvinoreva kuti “Mudzivisi.” Jehovha akaonawo munhu wokutanga, mwanakomana wake akakwana, Adhamu nomudzimai wake akakwana Evha vachibatanawo mukupanduka. (Genesisi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9) Gare gare, vamwe vanakomana vaMwari—ngirozi ‘vakasiya nzvimbo yavo yokugara yakakodzera’ vakamupandukira.—Judha 6.

Magwaro haatiudzi kuti Jehovha akanzwa sei pakapanduka vamwe vevanakomana vake vakakwana. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose. Jehovha akazvidemba kuti akanga aita vanhu panyika, akarwadziwa mumwoyo make.” (Genesisi 6:5, 6) Kupanduka kwevanhu vake vaakasarudza, vaIsraeri, kwakaitawo kuti ‘arwadziwe.’—Pisarema 78:40, 41.

Hapana mubvunzo kuti Jehovha anonzwira tsitsi vabereki vanorwadziwa uye vanoshungurudzwa nevana vanopanduka. MuShoko rake, Bhaibheri, akapa mazano anobatsira uye anokurudzira kuti abatsire vabereki vakadaro kuti vagone kurarama nemamiriro avo ezvinhu. Mwari anovakurudzira kuti vakandire kuzvidya mwoyo kwavo paari, kuti vazvininipise, uye kuti vamire vakasimba pakurwisana naSatani Dhiyabhorosi. Ngationei kuti kutevera zano iri kungakubatsira sei kuti urambe wakasimba mwana wako paanopanduka.

Kandira Kuzvidya Mwoyo Kwako Pana Jehovha

Jehovha anoziva kuti zvinhu zvishoma zvinoita kuti vabereki vazvidye mwoyo kupfuura kunetseka kwavanoita kuti vana vavo vari mungozi yokuzvikuvadza kana kuti kukuvadzwa nevamwe. Muapostora Petro anoratidza imwe nzira yokurarama nemamiriro ezvinhu aya nezvimwe zvinonetsa. Anonyora kuti: ‘Kandirai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose pana [Jehovha], nokuti iye ane hanya nemi.’ (1 Petro 5:7) Nei zviri kukumbirwa izvi nevimbiso iyi zvichinyanya kushanda kune vabereki vane mwana anenge apanduka?

Mwana wako paaiva muduku, waishingaira kumudzivirira pangozi, uye sezvingabvira akateerera kutungamirira kwako kworudo. Zvisinei, sezvaaikura, simba rako rokumudzora rakaenda richipera zvishoma nezvishoma, asi chido chako chokumudzivirira hachina kupera. Kutaura zvazviri, pamwe chakatowedzera.

Somugumisiro, mwana wako paanopanduka ndokukuvara mune zvokunamata, mupfungwa kana mumuviri, ungazvipa mhosva. Joy ambotaurwa, ainzwa saizvozvi. Anoti: “Zuva nezuva ndaishupika kuti ndainge ndakundikana, ndichiramba ndichifunga pandakanga ndakanganisa.” Panguva yakadaro Jehovha ndipo paanoda kuti ‘ukandire kuzvidya mwoyo kwako kwose paari.’ Kana ukadaro, achakubatsira. Munyori wepisarema akati: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.” (Pisarema 55:22) Izvozvo zvakanyaradza Joy. Anotsanangura kuti: “Ndaitaura naJehovha zvose zvaindinetsa mumwoyo somunhu anotaura neshamwari yake. Ndaitaura zvose zvaindinetsa, uye ndainzwa ndarerukirwa zvikuru.”

Somubereki asina kukwana, ungave uine zvawakakanganisa pakurera mwana wako. Asi nei uchifanira kuramba uchifunga nezvazvo? Zviri pachena kuti Jehovha haambodaro nokuti munyori wepisarema akaimba kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, Haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pisarema 130:3) Kunyange dai waiva mubereki akakwana, mwana wako aizongopanduka. Saka udza Jehovha manzwiro ako mumunyengetero uye achakubatsira kuti ukunde. Zvisinei, kana iwe uchizoramba wakasimba mukushumira Jehovha uye usingakundwi naSatani, unofanira kuita zvakawanda.

Zvininipise

Petro akanyora kuti:“Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti iye akukwidziridzei munguva yakakodzera.” (1 Petro 5:6) Nei kuzvininipisa kuchidiwa kana mwana wako apanduka? Kuwedzera pakuita kuti unzwe uine mhosva uye uchirwadziwa, kuva nomwana akapanduka kungaita kuti unzwe uchinyara. Ungave uchinetseka kuti zvakaitwa nomwana wako zvakakanganisa zita remhuri yenyu, kunyanya kana aifanira kudzingwa muungano yechiKristu. Kunzwa uchizvishora uye uchinyara kungaita kuti usapinda misangano yechiKristu.

Mumamiriro ezvinhu akadaro, unoda kushandisa uchenjeri hunobatsira. Zvirevo 18:1 inonyevera kuti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” Nokugara uchipinda misangano pasinei nokusuruvara kwako, uchakwanisa kuwana mashoko anobatsira uye anokurudzira. “Pakutanga ndakanga ndisingatombodi kuonana nevanhu,” anobvuma kudaro Joy. “Asi ndakazviyeuchidza nezvokukosha kwepurogiramu yangu yezvokunamata. Kunze kwaizvozvo, kudai ndakagara kumba, ndaizongoramba ndichifunga zvinetso zvangu. Misangano yakandibatsira kuti ndifunge nezvezvinhu zvinovaka zvokunamata. Ndinofara zvikuru kuti handina kuzviparadzanisa nevamwe ndokurasikirwa nokutsigira kworudo kwehama nehanzvadzi dzangu.”—VaHebheru 10:24, 25.

Yeukawo kuti munhu mumwe nomumwe mumhuri anofanira ku“takura mutoro wake” wezvaanofanira kuita somuKristu. (VaGaratiya 6:5) Jehovha anotarisira kuti vabereki vade uye varange vana vavo. Anotarisirawo kuti vana vateerere uye vakudze vabereki vavo. Kana vabereki vakaita zvose zvavanogona kuti varere vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha” vabereki vacho pachavo vachava nezita rakanaka naMwari. (VaEfeso 6:1-4) Kana mwana akapandukira kuranga kworudo kwevabereki, zita romwana wacho ndiro richakanganisika. “Mukomana anoratidza kana basa rake rakachena uye kana rakarurama nezvaanoita,” inodaro Zvirevo 20:11. Kupandukira kwaSatani hakuna kukanganisa zita raJehovha pavanhu vaya vanoziva zvakaitika.

Rwisa Dhiyabhorosi

“Svinurirai, rindai,” Petro anonyevera kudaro. “Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Sezvinoita shumba, Dhiyabhorosi anowanzosarudza vaduku vasati vava noruzivo. Kare shumba dzaifamba-famba muIsraeri dzaiva ngozi kuzvipfuwo. Kana gwayana raizobva muboka, raigona kubatwa zviri nyore. Nhunzvi yaigona kuisa upenyu hwayo mungozi kuti idzivirire gwayana rayo. Zvisinei, kunyange gwai rakura raisazogona kurwisa shumba. Naizvozvo, vafudzi vakashinga vaidiwa kuti vadzivirire boka.—1 Samueri 17:34, 35.

Kuti adzivirire makwai ake okufananidzira ku“shumba inodzvova,” Jehovha akaronga kuti pave nevafudzi mune zvokunamata vanotarisira makwai vachitungamirirwa no“mufudzi mukuru,” Jesu Kristu. (1 Petro 5:4) Petro anorayira varume vakagadzwa ivavo kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose.” (1 Petro 5:1, 2) Nokutsigira kwenyu sevabereki, vafudzi ava vangagona kubatsira pwere kuti igadzirise nzira yayo yokunamata.

Vafudzi vechiKristu pavanenge vachida kupa zano kumwana wako akapanduka, unganzwa uchida kumudzivirira pachirango. Zvisinei, kuita kudaro kwaizova kukanganisa kukuru. Petro anoti: ‘Rwisa, Dhiyabhorosi’—kwete kurwa nevafudzi mune zvokunamata.—1 Petro 5:9.

Chirango Pachinenge Chakakomba

Kana mwana wako asingapfidzi uye ari muKristu akabhabhatidzwa, angapiwa chirango chakakomba—kudzingwa muungano. Kukurukurirana kwamuchaita kubva ipapo kuchaenderana nezera rake nemamwe mamiriro ezvinhu.

Kana mwana wacho achiri muduku uye achigara pamba, uchafanira kuramba uchimuriritira. Anofanirawo kurayirwa nokurangwa uye ibasa rako kuita izvozvo. (Zvirevo 1:8-18; 6:20-22; 29:17) Ungada kudzidza naye Bhaibheri uchiita kuti ataurewo pfungwa dzake. Ungamuratidza magwaro akasiyana-siyana uye mabhuku anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Unogonawo kuenda nomwana wacho kumisangano yechiKristu wogara naye. Zvose izvi zvingaitwa uchitarisira kuti achateerera zano romuMagwaro.

Zvinosiyanawo kana akadzingwa wacho asiri mwana muduku uye asingagari pamusha. Muapostora Pauro akarayira vaKristu vokuKorinde yekare kuti: “[Regai] kufambidzana nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro.” (1 VaKorinde 5:11) Kunyange zvazvo kutarisira zvinodiwa nemhuri kungada kuti akadzingwa wacho ange aripo, mubereki wechiKristu anofanira kuedza kusafambidzana naye pasina chikonzero.

Kana mwana anenge atadza akarangwa nevafudzi vechiKristu, kwaisazova kuchenjera kana waizoramba kana kuti kushora zvavakasarudza zvinobva muBhaibheri. Kutsigira mwana wako anenge apanduka kwaisazova kumudzivirira pana Dhiyabhorosi. Kutaura zvazviri, unenge uchitoisa mungozi utano hwako mune zvokunamata. Asi ukatsigira zvinenge zvasarudzwa nevafudzi, ucharamba ‘wakasimba mukutenda’ uye uchabatsira mwana wako nenzira yakanakisisa.—1 Petro 5:9.

Jehovha Achakutsigira

Kana mwana wako akapanduka, yeuka kuti hausi woga. Vamwe vabereki vechiKristu vakambova mumamiriro ezvinhu akadaro. Pasinei nemiedzo yatinosangana nayo, Jehovha anogona kutitsigira.—Pisarema 68:19.

Pakunyengetera vimba naJehovha. Gara uchiwadzana neungano yechiKristu. Tsigira kuranga kunoitwa nevafudzi vakagadzwa. Ukadaro, uchagona kuramba wakasimba. Uye muenzaniso wako wakanaka ungabatsira mwana wako kuti abvume kudzoka sezvaari kukumbirwa norudo naJehovha.—Maraki 3:6, 7.

[Mifananidzo iri papeji 18]

Wana simba mumunyengetero uye muungano yechiKristu