Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?

Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?

BABA vaIan vaiva chidhakwa chemakoko. Pasinei nokuti akakura achiwana zvaaida, aisawana rudo rwaaida chaizvo kuti baba vake vamuratidze. Ian anoti: “Ndakanga ndisinganyanyi kuvafarira nemhaka yekunwa kwavaiita uye mabatiro avaiita amai vangu.” Sezvaaikura, Ian akatanga kusava nechokwadi kana Mwari ariko. “Ndaizvibvunza kuti, ‘Kana Mwari ariko zvechokwadi, nei achirega vanhu vachitambura?’”

Sei vanhu vachizobvunza mubvunzo iwoyo?

Ungasava hako nematambudziko muupenyu, asi zvingakubata-bata paunoona vanhu vasina mhosva vachitambura. Zvisinei, mubvunzo wokuti nei vanhu vachitambura unotonyanya kukunetsa kana uriwe uri kutambura sezvakaitika kuna Ian, kana kuti kana warwarirwa kana kufirwa.

Vamwe vanopindura sei?

Vanofunga kuti Mwari anotirega tichitambura kuti atidzidzise kuzvininipisa uye kunzwira vamwe tsitsi. Vamwe vanodavira kuti vakamborarama nomumwe muviri, saka vanoti kutambura kwavari kuita iye zvino kunokonzerwa nezvivi zvavakaita panguva iyoyo.

Mhinduro idzodzo dzinopa pfungwa dzipi?

Dzokuti Mwari haanzwiri tsitsi vanhu vanotambura saka zvakaoma kumuda. Mwari ane utsinye.

Bhaibheri rinodzidzisei?

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti kutambura kwevanhu haisi mhosva yaMwari. “Kana munhu achiedzwa, ngaarege kutaura kuti, ‘NdiMwari andiedza,’ nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa kwete. Iye Mwari pachake haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13, Bhaibheri Rinoera) Pfungwa yokupa Mwari mhosva yokutambura kwevanhu haitoenderani nezvinodzidziswa neBhaibheri nezvounhu hwake. Sei tichidaro?

Rudo ndihwo unhu hwaMwari hwatinonyanya kumuziva nahwo. (1 Johani 4:8) Bhaibheri rinonyatsosimbisa pfungwa iyoyo parinofananidza Mwari naamai vanoyamwisa. Mwari anobvunza kuti: “Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa zvokuti angasanzwira tsitsi  mwanakomana wedumbu rake here? Kunyange vakadzi ava vangakanganwa havo, asi ini handizokukanganwi.” (Isaya 49:15) Ungafungidzira here amai vane rudo vachikuvadza mwana wavo nemaune? Aiwa, asi mubereki ane rudo anoita zvose zvaanogona kuti mwana wake asatambura. Ndozvazvakaitawo naMwari, haasiye anoita kuti vanhu vasina mhosva vatambure.—Genesisi 18:25.

Kunyange zvazvo Mwari aine hanya, vanhu vasina mhosva vari kutambura. Unganetseka kuti: ‘Kana Mwari aine hanya nesu uye aine simba rose, anoregererei kubvisa zvose zvinoita kuti titambure?’

Pane zvikonzero zvakanaka zvinoita kuti Mwari ambotirega tichitambura. Ngatimbokurukurai chimwe chete bedzi: Kazhinji vanhu ndivo vanoita kuti vamwe vanhu vatambure. Nhubu dzakawanda nevaya vanoitira vamwe utsinye vachivadzvinyirira havadi kuchinja maitiro avo. Saka kuti Mwari abvise chacho chinonyanya kukonzera kutambura, anofanira kuparadza vanhu vakadaro.

Paaitsanangura kuti sei Mwari asati aparadza vanhu vanoita zvakaipa, muapostora Petro akanyora kuti: “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Mwoyo murefu waJehovha Mwari unoratidza kuti ane rudo nengoni.

Zvisinei, munguva pfupi iri kuuya Jehovha Mwari ‘achatambudza vaya vanotambudza’ vasina mhosva. Achavatongera “kuparadzwa nokusingaperi.”—2 VaTesaronika 1:6-9.

Ian ambotaurwa akawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yaaiva nayo panyaya yokutambura. Zvaakadzidza zvakachinja maonero aanoita upenyu. Verenga nyaya youpenyu hwake iri papeji 13 yemagazini ino.munyaya inotevera yakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu”.