Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mosesi—Murume Aiva Nerudo

Mosesi—Murume Aiva Nerudo

RUDO CHII?

Rudo runoreva kufarira vamwe zvinobva pamwoyo. Munhu ane rudo anoruratidza nezvaanotaura uye zvaanoitira vaya vaanoda, kunyange zvazvo pamwe pacho angarasikirwa nechimwe chinhu.

MOSESI AKARATIDZA SEI RUDO?

Mosesi akaratidza kuti aida Mwari. Sei? Yeuka mashoko ari pana 1 Johani 5:3 anoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.” Mosesi akararama zvinoenderana nemashoko iwayo. Aiita zvose zvaainzi naJehovha aite, zvaisanganisira basa raityisa rokunotaura naFarao aiva nesimba uye basa raiva nyore rokutambanudza tsvimbo yake paGungwa Dzvuku. Mosesi aiteerera pasinei nokuti zvaaiudzwa zvaiva zvakaoma here kana kuti kwete. “Akaita izvozvo chaizvo.”—Eksodho 40:16.

Mosesi aida vamwe vake vaIsraeri. VaIsraeri vacho vaibvuma kuti Jehovha aishandisa Mosesi kuti avatungamirire, saka vaienda nenyaya dzavo dzakasiyana-siyana kwaari. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vakaramba vakamira pamberi paMosesi kubvira mangwanani kusvikira manheru.” (Eksodho 18:13-16) Fungidzira kuti kuteerera vaIsraeri ava zuva rose vachitaura nhunha dzavo kwainetesa Mosesi zvakadini! Kunyange zvakadaro, aivabatsira achifara nokuti aivada.

Mosesi haana kugumira pakuteerera vanhu ava vaaida, asi aivanyengetererawo. Akatonyengeterera kunyange vaya vaimuitira zvakaipa! Somuenzaniso, hanzvadzi yake Miriyemu payakagunun’unira Mosesi, Jehovha akamuranga nemaperembudzi. Pane kuti tsvatu waro, Mosesi akabva atonyengetera achiti: “Haiwa Mwari, ndapota! Ndapota, muporesei!” (Numeri 12:13) Zvechokwadi hapana chimwe chinhu kunze kwerudo chingava chakaita kuti Mosesi anyengetere saizvozvo asingangofungi zvakamunakira.

TINODZIDZEI?

Tinogona kutevedzera Mosesi nokudzidza kuda Jehovha nemwoyo wose. Rudo rwakadaro rwunoita kuti titeerere mirayiro yake “zvichibva pamwoyo.” (VaRoma 6:17) Kana tikateerera Jehovha zvichibva pamwoyo, tinoita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11) Nesu tinobatsirwawo. Kana tikashumira Jehovha nokuti tinomuda zvichibva pamwoyo, tinenge tisingaiti zvakanaka chete asiwo tichanakidzwa nokuzviita.—Pisarema 100:2.

Imwe nzira yatingatevedzera nayo Mosesi ndeyokuda vamwe kupfuura zvatinozviita. Kana hama dzedu kana kuti shamwari dzikatiudza zvinodzinetsa, rudo runoita kuti (1) tidziteerere nemwoyo wose; (2) tidzinzwire tsitsi; uye (3) tidziudze kuti tinodzida.

Tinogonawo kunyengeterera vaya vatinoda sezvakaitwa naMosesi. Dzimwe nguva tinganetseka patinoona sokuti hatikwanisi kuvabatsira pane zviri kuvanetsa. Pamwe tingangoguma tati, “Ndine urombo kuti ndinongokwanisa kukunyengeterera chete.” Asi zivawo kuti: “Munyengetero womunhu akarurama unoshanda uye une simba [guru].” (Jakobho 5:16, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Minyengetero yedu inogona kuita kuti Jehovha aitire munhu zvinhu zvaaisazomuitira dai tisina kunyengetera. Zvechokwadi hapana chimwe chinhu chataizoitira vaya vatinoda chinopfuura kuvanyengeterera. *

Haubvumi here kuti tinogona kudzidza zvakawanda kuna Mosesi? Kunyange zvazvo aingovawo munhu akaita sesu, akatisiyira muenzaniso wakanaka zvikuru wokutenda, kuzvininipisa uye rudo. Kana tikatevedzera muenzaniso wake sezvatingagona, tinobatsira vamwe uye isu tinobatsirwawo.—VaRoma 15:4.

^ ndima 8 Kuti Mwari ateerere minyengetero yedu, tinofanira kushanda nesimba kuti tiite zvaanoda. Kuti uwane mamwe mashoko ona chitsauko 17 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.