Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA: KUMUTSWA KWAJESU KUNOKUBATSIRA SEI?

Jesu Akamutswa Zvechokwadi Here?

Jesu Akamutswa Zvechokwadi Here?

MUNYORI wenhoroondo wechiGiriki anonzi Herodotus uyo akararama makore 2 500 akapfuura, akataura zvaiitwa nevaIjipiti vepanguva yaakararama. Akati: “Pamabiko aiitwa nevapfumi paiti kana vanhu vapedza kudya, mumwe murume aitenderera aine bhokisi raiva nechivezwa chemuti chakaita sechitunha, chainge chakapendwa uye chakanyatsovezwa chichiita semunhu akafa chaiye, chakareba [inenge hafu yemita kana kuti mita]. Airatidza munhu mumwe nomumwe ainge ari pamabiko achiti, ‘Inwai mufare, asi onai izvi; nokuti ndizvo zvamuchange maita kana mafa.’”

VaIjipiti handivo voga vaiona upenyu nerufu saizvozvo. Mazuva ano hazvichashamisi kunzwa vanhu vakawanda vachiti, “Munhu wenyama ngaafare.” Kana chiri chokwadi kuti kana munhu afa zvatopera, munhu angaregererei hake kunyatsofara? Tingazvinetserei hedu nekuedza kuita zvakanaka? Kana panofa munhu paripo panoperera sarungano saka zvine musoro kuti munhu anyatsonakirwa achiri kurarama. Muapostora Pauro akataurawo nezvenyaya iyi. Akatsanangura zvinofungwa nevanhu vasingatendi kuti vakafa vanomutswa achiti: “Kana vakafa vasingazomutswi, ‘ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.’”—1 VaKorinde 15:32.

Hazvirevi hazvo kuti Pauro aidavira kuti kana munhu afa anobva akanganwika zvachose. Aiva nechivimbo chokuti vakafa vachararamazve vaine tariro yokusazombofa. Chivimbo chake chaibva pane chimwe chiitiko chinokosha zvikuru chekumutswa * kwaKristu Jesu, uko kwaaiti kwaisava nemubvunzo kuti kwakaitika. Kumutswa kwaJesu ndiko kwaitoita kuti vadzidzi vokutanga vave nekutenda kwakasimba.

Asi tinobatsirwa sei nokumutswa kwaJesu? Tinoziva sei kana akamutswa zvechokwadi?  Ngationei kuti Pauro akazvitsanangura sei paakanyorera vaKristu vokuKorinde.

ZVAIZOREVEI DAI KRISTU ASINA KUMUTSWA?

Vamwe vaKristu vomuKorinde yekare vakanga vakavhiringidzika panyaya yacho uye vamwe vaisatombotenda kuti vakafa vanomutswa. Mutsamba yake yokutanga kuvaKristu ivavo, muapostora wacho akataura zvazvaizoreva dai dzaiva nhema kuti vakafa vanomutswa. Akanyora kuti: “Chokwadi, kana kusina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswawo. Asi kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu chokwadi hakuna zvakunobatsira, uye kutenda kwedu hakuna zvakunobatsira. Zvakare, isu tinganziwo tiri zvapupu zvenhema zvaMwari . . . Kutenda kwenyu hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. . . . Vaya vakararawo murufu pamwe naKristu vakaparara.”—1 VaKorinde 15:13-18.

“Akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe chete . . . Pashure paizvozvo akazviratidza kuna Jakobho, akazozviratidza kuvaapostora vose; asi pakupedzisira akazviratidzawo kwandiri.”—1 VaKorinde 15:6-8

Pauro akatanga nekutaura mashoko asingarambiki: Kana vakafa vasingazomutswi, saka Kristu, uyo akafa, haana kumutswa. Kudai Kristu asina kumutswa, zvaizorevei? Kuparidzira mashoko akanaka kwaizova kusingabatsiri, kana kuti nhema dzisingaiti. Uyewo, nyaya yokumutswa kwaKristu yaiva dzidziso inokosha kuvaKristu, inoita kuti zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri nezveuchangamire hwaMwari, zita rake, Umambo hwake uye kuponeswa kwedu zvinyatsonzwisisika. Kudai dzaiva nhema kuti Jesu akamutswa, mashoko aiparidzwa naPauro nevamwe vaapostora aizova enhema, asingabatsiri.

Pane zvimwewo zvaizoitika zvakare. Kudai Kristu asina kumutswa, zvinotendwa nevaKristu zvaizova pasina, zvichingobva panhema. Zvaizorevawo kuti Pauro nevamwe vaitaura manyepo nezvekumutswa kwaJesu uye nezvaJehovha Mwari uyo wavaiti akamutsa Jesu. Mashoko okuti Kristu “akafira zvivi zvedu” aizovawo enhema, nokuti kana Muponesi wacho asina kuponeswa kubva murufu, aisazokwanisa kuponesawo vamwe. (1 VaKorinde 15:3) Zvaizoreva kuti vaKristu vakanga vafa, vamwe vacho vachifira kutenda kwavo vakanga vafa vaine tariro yenhema yokuti vaizomutswa.

Pauro akapedzisa achiti: “Kana takava netariro muna Kristu muupenyu huno chete, tiri vanhu vanosiririsa kupfuura vanhu vose.” (1 VaKorinde 15:19) Kungofanana nevamwe vaKristu, Pauro akanga arasikirwa nezvimwe zvinhu, atambudzwa, atsungirira matambudziko, uye atarisana nerufu nokuti aidavira kuti Jesu akanga amutswa uyewo kuti kumutswa kwake kwaizobatsira vanhu. Kudai dzaiva nhema kuti Jesu akamutswa, zvose izvozvo zvaizoshaya basa!

NEI UCHIFANIRA KUDAVIRA KUTI JESU AKAMUTSWA?

Pauro haana kumbofunga kuti vaKristu vaitenda zvinhu zvenhema. Aiziva kuti Jesu akanga amutswa kuvakafa uye akataura uchapupu hwacho kuvaKorinde muchidimbu achiti, “Kristu akafira zvivi zvedu maererano neMagwaro; uye kuti akavigwa, chokwadi, kuti akamutswa pazuva rechitatu maererano neMagwaro; uye kuti akazviratidza kuna Kefasi, akazozviratidza kune vane gumi nevaviri.” * Pauro akabva awedzera kuti: “Pashure paizvozvo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vadzo vapenyu kusvikira panguva ino, asi vamwe vakarara murufu. Pashure paizvozvo akazviratidza kuna Jakobho, akazozviratidza kuvaapostora vose; asi pakupedzisira  akazviratidzawo kwandiri.”—1 VaKorinde 15:3-8.

Pauro akatanga nemashoko anoratidza chivimbo okuti Kristu akafira zvivi zvedu, akavigwa, uye akamutswa. Chii chakaita kuti Pauro ave nechokwadi saizvozvo? Chimwe chikonzero ndechokuti paiva nezvapupu zvakawanda zvakaona kumutswa kwacho. Paakanga amutswa, Jesu akazviratidza kuvanhu vakasiyana-siyana (vaisanganisira iye Pauro wacho), kumapoka maduku uye kuchaunga chevanhu 500, uye hapana mubvunzo kuti vakawanda vavo vakamboramba pavakatanga kunzwa kuti Jesu akanga amutswa! (Ruka 24:1-11) Vazhinji vacho vakanga vachiri vapenyu munguva yaPauro uye chero munhu aida aigona kuvabvunza uchapupu hwacho. (1 VaKorinde 15:6) Zvingava nyore kuramba uchapupu hwemunhu mumwe chete kana kuti vaviri, asi kwete hwevanhu 500 kana kupfuura.

Onawo kuti Pauro akataura kaviri kuti rufu, kuvigwa uye kumutswa kwaJesu zvakaitika “maererano neMagwaro.” Zviitiko izvozvo zvakaratidza kuti uprofita hwaitaura nezvaMesiya huri muMagwaro echiHebheru hwaiva hwechokwadi, zvichiratidza kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa.

Pasinei neuchapupu hwevakaona uye hweMagwaro, paiva nevamwe vakanga vasina chokwadi kuti Jesu akamutswa uye nanhasi vachiriko. Vamwe vanoti mutumbi wake wakabiwa nevadzidzi vake avo vakazonyepa kuti vaiva zvapupu zvokumutswa kwake. Asika vadzidzi vaJesu vakanga vasina simba rokukunda magadhi echiRoma aiva akarinda guva. Vamwewo vanoti vaya vaiti vakaona Jesu amutswa vaingotaura zvinhu zvaiva mupfungwa dzavo zvavaiona sezvaitoitika chaizvo. Chinoratidza kuti zvavanotaura ndezvenhema ndechokuti Jesu akazviratidza kuvanhu vakawanda panguva dzakasiyana-siyana.

Vamwewo vanoti nyaya yokumutswa kwaJesu  inhema dzakarukwa nevadzidzi vake. Asi izvozvo zvaizovabatsirei? Kupupurira nezvekumutswa kwaJesu kwakaita kuti vadzidzi vashorwe, vatambudzwe uye vaurayiwe. Saka zvaizovabatsirei kuisa upenyu hwavo pangozi kuti vatsigire nhema? Pamusoro pazvo, vakatotanga kupa uchapupu hwavo muJerusarema pamberi pevashori vavo avo vaitotsvaga pokuvawanira mhosva.

Nyaya yokumutswa kwaJesu ndiyo yakatoita kuti vadzidzi vake vave neushingi hwekupupurira nezvaIshe wavo pasinei nokutambudzwa zvakaipisisa. Kudavira kuti Jesu akamutswa kwaikosha chaizvo pakutenda kwevaKristu. VaKristu vekutanga havana kuisa upenyu hwavo pangozi kuti vangopupurirawo nezvemudzidzisi akangwara akanga apondwa. Vakazviisa pamutanhiko kuti vazivise nezvekumutswa kwaJesu nokuti kwairatidza kuti ndiye Kristu Mwanakomana waMwari, uye kuti aiva mupenyu aine simba uye achivatsigira nokuvatungamirira. Kumutswa kwake kwaireva kuti ivo vaizomutswawo kubva kuvakafa. Chokwadi ndechokuti dai Jesu asina kumutswa, paisazova nechiKristu uye pamwe tingadai tisina kana kumbonzwa nezvake.

Asi iye zvino tinobatsirwa sei nokumutswa kwaJesu?

^ ndima 5 MuBhaibheri, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kumutswa” rikatorwa sezvariri rinongoreva kuti “kusimukazve.” Rinopa pfungwa yokuti munhu anodzorerwa kuupenyu, ova zvaakanga ari chaizvo, aine unhu hwake nendangariro.

^ ndima 13 Mashoko okuti “vane gumi nevaviri” anongoreva “vaapostora,” kunyange zvazvo pashure pokufa kwaJudhasi Iskariyoti pakambopera kanguva vachingova 11. Kunyange zvazvo Tomasi akanga asipo pane imwe nguva Jesu paakazviratidza kuvadzidzi vake, vaapostora vanenge 10 vaivapo vaimiririra vose vari 12.—Johani 20:24.