Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SWEDERA PEDYO NAMWARI

“Murayiro Wokutanga Pane Yose Ndoupi?”

“Murayiro Wokutanga Pane Yose Ndoupi?”

Chii chinombodiwa kuti tifadze Mwari? Pane ndandanda yemitemo isingaperi yatinofanira kutevedzera here? Zvinofadza kuti mhinduro yemubvunzo iwoyo ndikwete. Maererano nezvakataurwa neMwanakomana waMwari pachake, Jesu Kristu, zvinodiwa naMwari kwatiri zvinogona kungopfupikiswa kuita shoko rimwe chete.—Verenga Mako 12:28-31.

Kutanga, funga zvaiitika Jesu paakazotaura mashoko ake. Akanga achidzidzisa mutemberi musi waNisani 11, mazuva mashoma asati afa. Vavengi vake vakaedza kuwana pokumubatira nokumubvunza mibvunzo yavainetsana pachavo. Pose pavaimubvunza aivapindura zvokuti vaishaya romuromo. Vakabva vabvunza Jesu mubvunzo uyu: “Murayiro wokutanga pane yose ndoupi?”—Ndima 28.

Uyu waiva mubvunzo wakaoma. Vamwe vaJudha vaiitisana nharo dzokuti pamitemo inopfuura 600 yaiumba Mutemo waMosesi, ndoupi wokutanga kana kuti wainyanya kukosha. Zvinoita sokuti vamwewo vaiomerera pakuti mitemo yose yaikosha zvakafanana uye kuti zvaiva zvisina kunaka kukoshesa mimwe mitemo pane mimwe. Jesu aizopindura sei?

Jesu akapindura achitaura mirayiro miviri kwete mumwe chete. Akatanga nokutaura wokuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.” (Ndima 30; Dheuteronomio 6:5) Kunyange zvazvo Jesu akataura mashoko okuti “mwoyo,” “pfungwa” “mweya,” uye “simba” akaparadzana, mashoko aya ose haasi kutaura zvinhu zvakasiyana asi ari kungoreva zvakaita munhu nechomukati. * Saka Jesu aisimbisa nepaanogona napo kuti munhu anofanira kuda Jehovha zvizere. Izvi zvinoreva kuti munhu anofanira kuda Jehovha nezvose zvaari, zvaanokwanisa kuita uye zvaainazvo. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Mwari anofanira kudiwa zvakazara uye kusvika pokupedzisira.” Saka kana uchida Mwari uchaita zvose zvaunogona kuti urarame zuva rimwe nerimwe uchiita zvinoita kuti akufarire.—1 Johani 5:3.

Jesu akazotaurawo murayiro wokuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Ndima 31; Revhitiko 19:18) Kuda Mwari uye kuda muvakidzani zvinhu zvinofambidzana. Kuda Mwari ndiko kunoita kuti munhu ade muvakidzani wake. (1 Johani 4:20, 21) Kana tichida vavakidzani vedu sezvatinozviita, tichavaitira zvatinoda kuti vatiitirewo. (Mateu 7:12) Kana tikadaro tinoratidza kuti tinoda Mwari akatisika isu nevavakidzani vedu mumufananidzo wake.—Genesisi 1:26.

Zvinodiwa naJehovha kuvanamati vake zvinogona kupfupikiswa mushoko rimwe chete: rudo

Mirayiro yokuti tide Mwari uye vavakidzani yakakosha zvakadini? Jesu akati: “Hapana mumwe murayiro mukuru kupfuura iyi.” (Ndima 31) Munyaya yakafanana neiyi iri muna Mateu, Jesu akati mimwe mirayiro yose yakavakirwa pamirayiro iyi miviri.—Mateu 22:40.

Kufadza Mwari hakuna kumbooma. Zvose zvinodiwa naMwari kuti tiite zvinogona kupfupikiswa mushoko rimwe chete: rudo. Mwari akangogara achida kuti vanamati vake vamude uye achangoramba achida kuti vadaro. Zvisinei, rudo harufaniri kungogumira pamuromo chete kana kuti pakungonzwa kuti unoda mumwe munhu, asi runofanira kuratidzwa nemabasa. (1 Johani 3:18) Wadii kudzidza zvaungaita kuti ude Jehovha, Mwari anonzi “rudo” muBhaibheri uye maratidzire aungaita kuti unomuda?—1 Johani 4:8.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna March

Mako 9-16Ruka 1-6

^ ndima 6 MuBhaibheri, shoko rokuti “mweya” rinoreva munhu akazara. Saka “mweya” unogona kusanganisira “mwoyo,” “pfungwa,” uye “simba.”