Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUKURUKURA NEMUVAKIDZANI

Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Muna Jesu Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Muna Jesu Here?

Zvakanyorwa pasi apa ndizvo zvingaitwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha paanenge achikurukura nemuvakidzani wake. Ngatimbotii Chapupu chinonzi Anthony chasvika pamba pemurume anonzi Tim.

ZVINOKOSHA KUTI TITENDE MUNA JESU

Anthony: Hesi, Tim. Ndafara kukuonazve.

Tim: Neniwo ndafara.

Anthony: Ndakuunzira magazini eNharireyomurindi neMukai! emwedzi uno. Ndinofunga kuti uchanakidzwa nokuverenga nyaya dzirimo.

Tim: Waita hako. Ndatofara kuti wauya nhasi nokuti pane zvandiri kuda kukubvunza.

Anthony: Hoo nhai, uri kuda kubvunzei?

Tim: Rimwe zuva ndaitaura nemumwe wandinoshanda naye. Ndakamuudza nezvemabhuku awakandipa uye kunakidza kwaanoita. Asi akati handifaniri kuaverenga nokuti Zvapupu zvaJehovha hazvitendi muna Jesu. Ichokwadi here? Ndakamuudza kuti ndichakubvunza pauchauya.

Anthony: Ndafarira kuti wandibvunza. Wagona pakuti wabvunza ini pane kubvunza mumwe asiri Chapupu chaJehovha. Zvakatonaka kubvunza munhu zvaanotenda pane kubvunza mumwe munhu.

Tim: Ndizvo zvandakafungawo.

Anthony: Chokwadi ndechokuti Zvapupu zvaJehovha zvinotenda muna Jesu Kristu. Tinotodavira kuti kutenda muna Jesu kunokosha kuti tiponeswe.

Tim: Ndaifunga kuti munotenda muna Jesu, asi wandinoshanda naye paakataura kuti hamutendi muna Jesu, zvakabva zvaita kuti ndide kukubvunza. Ndinofunga kuti tanga tisati tambotaura nezvazvo.

Anthony: Zvinoita here kuti ndikuratidze ndima dzemuBhaibheri dzinoratidza kukosha kwazvinoita kuti titende muna Jesu? Ndima dzacho dzinowanzoshandiswa neZvapupu zvaJehovha pazvinoparidza.

Tim: Horaiti.

Anthony: Zvakanaka kuti titange nekuverenga mashoko aJesu pachake ari pana Johani 14:6. Mashoko acho akataurwa naJesu achikurukura nemumwe wevaapostora vake. Panoti “Jesu akati kwaari: ‘Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.’” Maererano nendima iyoyo, ndeipi nzira chete yatinofanira kushandisa pakutaura naBaba?

Tim: Kuburikidza naJesu.

Anthony: Ndizvozvo. Uye Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsodavira izvozvo. Kutaura zvazviri, pose patinonyengetera tinonyengetera muzita raJesu.

Tim: Hoo nhai?

Anthony: Ndizvozvo. Ndosaka pose pandinonyengetera ndichinyengetera muzita raJesu, uye ndizvo zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha zvose.

Tim: Horaiti.

Anthony: Rumwe rugwaro rwatinogona kushandisa ndiJohani 3:16. Ndima iyi inokosha zvikuru zvokuti yakasvika pakunzi ipfupiso yemabhuku ose eEvhangeri. Kureva kuti kana tikada kutsanangura zvose zvakanyorwa nezveupenyu hwaJesu paaiva panyika uye ushumiri hwake tozvipfupikisa  kuita ndima imwe chete, iyi ndiyo ndima yatinogona kushandisa. Pamwe ungada kuverenga rugwaro rwacho.

Tim: Horaiti. Panoti: “Nokuti Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”

Anthony: Waita basa. Unoiziva here ndima iyi?

Tim: Ehe, ndakainzwa kakawanda kuchechi.

Anthony: Indima inozivikanwa nevanhu vakawanda. Ngatimbonyatsoiongorora tione zvakataurwa naJesu. Akati rudo rwaMwari runoita kuti vanhu vakwanise kuzorarama upenyu husingaperi vachifara—asi ndokunge taita sei?

Tim: Ndokunge tiine kutenda.

Anthony: Ndizvozvo. Kutenda muMwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu. Uye pfungwa iyoyi yokuti kutenda muna Jesu kunoita kuti tikwanise kuwana upenyu husingaperi inotsanangurwa papeji 2 yemagazini ino yandakuunzira. Inotaura nezvechinangwa chemagazini yeNharireyomurindi, ichiti magazini ino “inokurudzira vanhu kuti vatende muna Jesu Kristu, uyo ari kutonga iye zvino saMambo weUmambo hwaMwari uye akatifira kuti tikwanise kuwana upenyu husingaperi.”

Tim: Hauonika. Uchapupu hwekuti Zvapupu zvaJehovha zvinotenda muna Jesu hutorimo mumagazini yenyu chaiyo.

Anthony: Ndizvozvo chaizvo.

Tim: Saka, sei vanhu vachiti hamutendi muna Jesu?

Anthony: Panofanira kunge paine zvikonzero zvinoita kuti vataure kudaro. Dzimwe nguva vanhu vanongozvitaura nekuti vakanzwawo vamwe vachidaro. Kana kuti vanenge vakadzidziswa nhema idzodzo nevafundisi vavo.

Tim: Ndava kutofunga kuti pamwe vanhu vanoti hamutendi muna Jesu nokuti munozviti muri Zvapupu zvaJehovha kwete Zvapupu zvaJesu.

Anthony: Zvinogona kudarowo futi.

Tim: Sei muchinyanya kutaura nezvaJehovha?

‘NDAKAZIVISA ZITA RENYU’

Anthony: Tinodavira kuti zvinokosha kushandisa zita raMwari rokuti Jehovha sezvakangoitwawo neMwanakomana wake Jesu. Funga zvakataurwa naJesu achinyengetera kuna Baba vake. Zvakanyorwa pana Johani 17:26. Ndinokumbirawo kuti uverenge ndima yacho.

Tim: Ok. “Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”

Anthony: Waita hako. Ona kuti Jesu akati akanga aita kuti zita raMwari rizivikanwe. Unofunga kuti akazviitirei?

Tim: Aaa. Handizivi.

Kutenda muna Jesu kunokosha kuti tiponeswe

Anthony: Zvakanaka, tinogona kutarisa rumwe rugwaro runotibatsira kunzwisisa nyaya yacho. Ndiri kufunga nezvaMabasa 2:21. Inoti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” Ndinofunga kuti unobvuma kuti kana munhu achifanira kudana pazita raJehovha kuti aponeswe, hapana mubvunzo kuti Jesu aizviziva.

Tim: Ndizvozvo.

Anthony: Saka nyaya yokuponeswa kwevateveri vake ndicho chimwe chikonzero chakaita kuti Jesu aone zvichikosha kuti vazive uye vashandise zita raMwari. Uye ndicho chimwe chikonzero chikuru nei tichinyanya kutaura nezvaJehovha. Tinoona zvichikosha kuti tizivise zita raMwari uye kubatsira vamwe kuti vadane pazita racho.

Tim: Asi kunyange kana vanhu vakasaziva zita raMwari kana kurishandisa, vanenge vachingoziva wavari kutaura nezvake pavanoti Mwari.

Anthony: Zvinogona kudaro. Asi Mwari akatiudza zita rake kuti zvitiitire nyore kuswedera pedyo naye.

Tim: Uri kurevei?

Anthony: Chimbofunga izvi: Taisafanira hedu kuziva zita chairo raMosesi. Taigona kungomuziva semurume akapatsanura Gungwa Dzvuku  kana kuti murume akapiwa Mirayiro Gumi. Ndizvo zvimwe chetewo naNoa—zvaiva nebasa here kuti tizive zita rake? Aigona kungonzi murume akavaka areka ndokuponesa mhuri yake nemhuka. Kunyange Jesu Kristu angadai aingozivikanwa seuya akabva kudenga uye akafira zvivi zvedu, handiti?

Tim: Ndinofunga kudaro.

Anthony: Asi Mwari akaita kuti tizive mazita evanhu vese ivavo. Kuziva mazita evanhu ava kunoita kuti nyaya dzavo dzinyatsova dzechokwadi kwatiri. Kunyange zvazvo tisina kumboonana naMosesi, Noa, kana Jesu, kungoziva mazita avo kunoita kuti vanyatsova vanhu chaivo kwatiri.

Tim: Handina kumbobvira ndazvifunga saizvozvo, asi zvine musoro!

Anthony: Saka ndicho chimwe chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichinyanya kushandisa zita raMwari. Tinoda kubatsira vanhu kuti vatende muna Jehovha Mwari semunhu chaiye wavanokwanisa kuva neukama hwepedyo naye. Uyewo, tinokoshesa zvikuru basa raJesu pakuponeswa kwedu. Tinogona kuverenga rumwe rugwaro runotibatsira kunzwisisa pfungwa yacho.

Tim: Horaiti.

Anthony: Tamboverenga Johani 14:6. Yeuka kuti Jesu akati ndiye “nzira nechokwadi noupenyu.” Ngatimbodzokai kumashure zvishoma tione zvaakataura pana Johani 14:1. Ndinokumbirawo kuti uverenge zvakataurwa naJesu muchikamu chechipiri chendima yacho.

Tim: Horaiti. Panoti: “Tendai muna Mwari, tendaiwo mandiri.”

Anthony: Waita hako. Saka ungati here nyaya yokutenda kwechokwadi ndeyekusarudza kuti wotenda muna Jesu here kana kuti wotenda muna Jehovha?

Tim: Kwete. Jesu akati tinofanira kutenda maari uye muna Jehovha.

Anthony: Ndizvozvo. Uye ndinovimba kuti unobvuma kuti hazvina kukwana kungotaura kuti tinotenda muna Mwari uye muna Jesu. Zvechokwadi, tinofanira kurarama nenzira inoratidza kuti tinotenda muna Mwari naJesu.

Tim: Zveshuwa.

Anthony: Asi munhu anoratidza sei kuti ane kutenda kwechokwadi muna Mwari naJesu? Tinogona kuzopindura mubvunzo wacho imwe nguva. *

Tim: Ndingazvifarira.

Pane nyaya yomuBhaibheri inombokutemesa musoro here? Pane zvaunoda kuziva here nezvezvinotendwa kana kuti zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pamanamatiro azvo? Kana zviripo, usazeza kubvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha. Achafara kutaura newe nyaya dzakadaro.

^ ndima 60 Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 12 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.