Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUKURUKURA NEMUVAKIDZANI

Sei Tichifanira Kuongorora Bhaibheri?

Sei Tichifanira Kuongorora Bhaibheri?

Zvakanyorwa pasi apa ndizvo zvingaitwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha paanenge achikurukura nemuvakidzani wake. Ngatimbotii Chapupu chinonzi Brian chasangana nemurume anonzi Eric.

BHAIBHERI RINE NHOROONDO DZECHOKWADI

Eric: Ini hangu zvekunamata hazvisi mandiri. Saka handifungi kuti pane zvatingataura.

Brian: Maita basa nekundiudza. Asi ini ndinonzi Brian. Ko imi munonzi ani?

Eric: Eric.

Brian: Ndafara kukuziva Eric.

Eric: Neniwo ndafara.

Brian: Asi rega ndimbokubvunzawo, wakakura uchienda kuchechi here?

Eric: Ehe. Asi pandakabva kumba ndichienda kukoreji ndakabva ndangosiyana nazvo.

Brian: Horaiti. Wakaita chii kukoreji?

Eric: Ndakadzidza zvemagariro evanhu uye zvakaitika kare. Kubva ndichiri mudiki ndaifarira kuziva kwatakabva.

Brian: Nhoroondo dzinombonakidza. Ndinofunga kuti munozviziva kuti Bhaibheri ibhuku renhoroondo. Pamaiita tsvakurudzo, maimboshandisawo Bhaibheri here?

Eric: Haa aiwa. Ndoziva hangu kuti ibhuku rakanaka, asi handifungi kuti nderenhoroondo.

Brian: Munoita semunhu anoda kuziva zvinofungwawo nevamwe. Mune maminitsi mashoma here ndingokuratidzai mienzaniso mishoma inoratidza kuti nhoroondo dzemuBhaibheri dzakarurama?

Eric: Zvinoita. Asi handina Bhaibheri.

Brian: Horaiti. Tinogona kushandisa rangu. Muenzaniso wokutanga uri pana 1 Makoronike chitsauko 29 ndima 26 ne27. Panoti: “Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese, akatonga vaIsraeri vose, mazuva aakatonga Israeri aiva makore makumi mana. Akatonga kwemakore manomwe ari muHebroni, uye akatonga kwemakore makumi matatu nematatu ari muJerusarema.”

Eric: Saka izvi zvinoratidza sei kuti inhoroondo yakarurama?

Brian: Vamwe vatsoropodzi vaifunga kuti hakuna kumbova nemunhu ainzi Mambo Dhavhidhi.

Eric: Hoo. Chii chaiita kuti vafunge izvozvo?

Brian: Kunze kweuchapupu huri muBhaibheri, panga pasina humwe uchapupu hunoratidza kuti akamborarama. Asi muna 1993, chikwata chevanochera matongo chakafukunura dombo rekare rainge riine shoko anoreva kuti “Imba yaDhavhidhi.”

Eric: Hoo ndanga ndisingazvizivi.

Brian: Mumwezve anotaurwa muBhaibheri anofungidzirwa nevanhu kuti haana kumbobvira avako ndiPondiyo Pirato, gavhuna aitonga mumazuva akararama Jesu. Anotaurwa nezvake pano pana Ruka chitsauko 3 ndima 1, pamwe chete nevamwe vepanguva iyoyo vaiva nezvinzvimbo muhurumende.

Eric: Ndapaona. Panoti, “Pondiyo Pirato paakanga ari gavhuna weJudhiya, uye Herodhi ari mutongi woruwa rweGarireya.”

Brian: Ndizvozvo. Kwemakore akawanda vamwe vaongorori vakanga vasina chokwadi chekuti pakambova nemunhu ainzi Pondiyo Pirato. Asi anenge makore 50 apfuura, kuMiddle East kwakawanikwa dombo rakanga rakatemererwa zita iri zvakajeka.

Eric: Hoo. Ndaisambozviziva.

Brian: Ndozvazvakaita.

Eric: Kutaura chokwadi, ndagara ndichiremekedza Bhaibheri, asi handina kumbobvira ndariona sebhuku rinoshanda mazuva ano. Kunyange zvazvo rine nhoroondo dzechokwadi, handifungi kuti rine zvarinobatsira muupenyu.

BHAIBHERI RAKANYORWA KARE ASI RICHIRI KUSHANDA

Brian: Vanhu vakawanda vanofungawo saizvozvo. Asi ini handifungi kudaro. Chikonzero chacho ndechekuti: Zvatinoda kuti tirarame hazvina kumbobvira zvachinja kubva kare. Somuenzaniso, tagara tichida zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara. Tinodawo kutaura nevamwe uye kuva nemhuri dzinofara. Handizvo here kuti tose tinokoshesa zvinhu izvi?

Eric: Ndizvozvo.

Brian: Bhaibheri rinogona kutibatsira panyaya dzose idzi. Rakanyorwa kare asi richiri kushanda.

Eric: Sei muchidaro?

Brian: Regai nditi Bhaibheri ibhuku rine mashoko anokosha anoshanda nhasi sekushanda kwaaingoita paakanyorwa mazana emakore akapfuura.

Bhaibheri rine mashoko anokosha anoshanda nhasi sekushanda kwaaingoita paakanyorwa mazana emakore akapfuura

Eric: Horaiti. Rinobatsira papi?

Brian: Rinotibatsira panyaya dzakadai sedzekuva nemhuri dzinofara, kuva shamwari yakanaka uye kusanyanya kukoshesa mari. Rinotibatsirawo kuti tive neupenyu hwakanaka. Hamubvumi here kuti mazuva ano zvinogona kuoma kuti munhu ave musoro wemhuri uye murume akanaka?

Eric: Ehe, ipapo ndinobvumirana nemi. Ini nemudzimai wangu tava nerinenge gore taroorana uye dzimwe nguva zvinombotiomera kubvumirana pane zvimwe zvinhu.

Brian: Ndizvozvo. Asi Bhaibheri rine mazano ari nyore anoshanda. Ngatimboonei VaEfeso chitsauko 5. Ngativerengei vhesi 22, 23, and ne28. Kana muchida munogona kupaverenga.

Eric: Horaiti. Panoti: “Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe, nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano, iye zvaari muponesi womuviri uyu.” Pa28 panoti: “Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida.”

Brian: Maita basa nekuverenga zvakanaka. Hamufungi here kuti kana vakaroorana vakaedza kushandisa mazano aya ari nyore, vanova nemhuri dzinofara?

Eric: Ndinofunga kudaro. Asi hazvisi nyore.

Brian: Ichokwadi; hapana munhu asingatadzi. Asi tikavhura kumberi zvishoma, tinoona imwe vhesi inotikurudzira kuva vanhu vanonzwisisa. * Zvinotoda kuti vose murume nemudzimai vabvume zvinodiwawo nemumwe. Ini nemudzimai wangu takaona kuti Bhaibheri rinogona kutibatsira pakuita izvi.

Eric: Ndinofunga kuti zvinoshanda.

Brian: Zvapupu zvaJehovha zvine nzvimbo yepaIndaneti ine mashoko anobatsira panyaya yewanano uye mhuri. Kana muine maminitsi mashoma ndinogona kukuratidzai zvimwe zviripo.

Eric: Zvinoita. Taurai henyu.

Brian: Zvakanaka. Nzvimbo yacho inonzi www.mr1310.com. Rega ndipavhure. Ndozvapakaita izvi.

Eric: Pane mifananidzo yakanaka.

Brian: Iri kuratidza basa ratinoita rekuparidza munyika yose. Yaa, apa ndipo patiri kuda. Pakanzi “Mazano Okubatsira Vakaroorana Uye Vabereki.” Pachikamu ichi pane nyaya pfupi dzinobatsira panyaya dzakasiyana-siyana. Pane yamafarira here?

Eric: Ehe. “Zvamungaita Kana Mune Chikwereti.” Ndingada kuziva kuti ndingaita sei.

Brian: Nyaya iyi inotaura nezvematambudziko matatu anosangana nevakaroorana vanenge vaine chikwereti. Onai zviri kutaurwa pandima iyi. Mungada kuiverenga here?

Eric: Ehe. Panoti: “Musarwisana, asi rwisai chikwereti.” Ndafarira matsananguriro avari kuita.

Brian: Maita basa nekuverenga. Pane vhesi yeBhaibheri iri apa. Mukapabaya vhesi yacho inobva yavhurika.

Eric: Ehe ndapaona. Zvirevo 13:10 inoti “Munhu anokonzera kukakavara nokuda kwokuzvikudza, asi vaya vanorangana vane uchenjeri.”

Brian: Mazviona here kuti kurangana ndiko kuri kukurudzirwa pano?

Eric: Handisi kunyatsopanzwisisa.

Brian: Handizvo here kuti kutsamwira mumwe wako, kunyange kana ariye akaita kuti chikwereti chacho chivepo hakuna zvakunobatsira?

Eric: Ehe, ndizvozvo.

Brian: Asi kana mukataurirana muchibudirana pachena, moshanda pamwe chete, hazvingabatsiri here padambudziko iri?

Eric: Ndofunga zvingabatsira.

Brian: Saka vhesi iyi yeBhaibheri, kunyange zvazvo yakanyorwa makore anenge 2 700 akapfuura, inotsanangura kuti tingagadzirisa sei matambudziko uye zvainotaura zvinobatsira kana zvikatevedzerwa. Sezvatamboverenga pakutanga, vakaroorana vacharwisa matambudziko avo kwete kurwisana ivo pachavo.

Eric: Ndazoona kuti Bhaibheri rine zvakawanda kupfuura zvandaifunga.

Brian: Ndizvozvo chaizvo Eric. Ndingada kuzodzoka kuti ndinzwe zvamunofunga pakamusoro kanoti “Zvinoita sokuti tiri kutadza kubhadhara chikwereti,” kari munyaya ino pajw.org. *

Eric: Mozouya. Tichaiverenga nemudzimai wangu.

Pane nyaya yomuBhaibheri inombokutemesa musoro here? Pane zvaunoda kuziva here nezvezvinotendwa kana kuti zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pakunamata? Kana zviripo, usazeza kubvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha. Achafara kutaura newe nyaya dzakadaro.

^ ndima 63 Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 14 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.