Dzimwe Nziyo
Nziyo dzinoratidza kukoshesa kwatinoita nhaka yedu yezvekunamata.
Kungonyemwerera
Kungonyemwerera kunogona kuchinjisa zvinhu muushumiri hwedu uye muupenyu hwedu hwezuva nezuva.
Kutsvaga Pfuma
Kudzidza Bhaibheri tiri tega uye kunamata kwemhuri kunotibatsira kukura mune zvekunamata.
Jehovha Anokugamuchirazve
Mweya mutsvene waMwari unogona kukubatsira kuti uite zvaunofanira kuita kuti udzokere kwaari.
Kufadza Kunoita Magungano
Patinopinda gungano, mwoyo yedu inonzwa kuti takabatana uye tinodanana sehama dzemunyika yose.
Ndinokupai Zvakanakisisa Zvangu
Zvinorwadza vabereki pavanoparadzana nevana vavo, vana pavanotama vachinogara kure kure navo.
Fungidzira Nguva Yacho
Zuva idzva rakatimirira pamberi apa.
Tifambise
Fambisa kuti usasiyiwe nesangano raJehovha rinoramba richifambira mberi!
Zvikomborero Zvokudzidza Mumwe Mutauro
Uchawana zvikomborero zvakaita sei nekudzidza mumwe mutauro?
Usamhanya
Ushumiri hwedu nezvimwewo zvinhu zvine chekuita neupenyu zvinowanzoita nani kana tikasamhanya, asi toita takadzikama.
“Teverai Nzira Yokugamuchira Vaeni Zvakanaka”
Ungagamuchira Sei Vaeni Zvakanaka?
Tokutendai
Kubudikidza nemweya wake mutsvene, Jehovha anotibatsira kutsungirira zvinetso zvakawanda zvinotiwira. Tinonzwa tichida kuita zvekumuimbira kuonga kwedu.
Nzvimbo Yangu
Ndingasarudze sei shamwari dzinonyatsoita zvakanaka chaizvo dzandingawana?
Zvisarudzo
Tinenge takachenjera tikafunga kuti zvatinosarudza panyaya dzemunhu oga zvinobata-bata sei ushumiri hwedu uye vamwe vanhu.
Kanganwiranai
Muupenyu hwako, tsvaga mikana yekuti utevedzere Jehovha nekukanganwira vamwe.
Yatosvika
Kutarisira mberi kuparadhiso kunotibatsira kutsungirira.
Dzidza Ukure
Kudzidza Shoko raMwari kunoitwa newechidiki ari ega kunomubatsira kuti asimbe mune zvekunamata.
Shoko Renyu Rinogara Nekusingaperi
Rumbidza Mwari nekuchengetedza Shoko rake kuvanhu!
Mira, Funga, Uye Nyengetera
Zvinhu kana zvatiomera, tingaitei?
Kuvaka Ramangwana Rangu naJehovha
Ita kuti Jehovha afare zuva roga roga nezvaunosarudza kuita.
Kutenda Kunogona Kuita Kuti Zvinhu Zvifambe
Munhu anofanira kushanda nesimba kuti avake kutenda kwakasimba, asi Jehovha achatikomborera tikaita saizvozvo.
Ndinochengeta Zviyeuchidzo Zvenyu
Ngatiratidzei nezvatinoita uye zvatinotaura kuti tinonyatsoda zviyeuchidzo zvaJehovha.
Ndinosimukazve
Inzwa zvinofungwa nemushumiri waJehovha aimboshingaira paanowana simba rekuti adzokere kuungano ine vanhu vanomuda.
Tinoshamiswa Nebasa Renyu
Koshesa ropafadzo yauinayo yekushanda naJehovha!
Mwanasikana Anodiwa Zvikuru
Kubvira mwanasikana wavo ari kacheche, baba vake vanomuona achikura uye achifambira mberi mune zvekunamata.
Ngatipinde
Kuwedzera ushumiri hwedu, chero hwerudzi rwupi, kunogona kuita kuti tifare chaizvo sevashumiri vaJehovha.
Tarisa Kuno
Shandisa zvakanaka nguva yaunenge une hama nehanzvadzi dzako.
Ndinoshamiswa Nezvamakasika
Zvakasikwa naJehovha zvinotityisa uye zvinoita kuti tinzwe tichida kumuimbira.
Zvinhu Zvinokosha
Tinofanira kuronga nguva yekuita zvinhu zvinokosha—kunyengetera, kudzidza uye kuita mabasa ekuzvipira kuna Mwari.
Mwoyo Wangu Uri Pauri
Kuva naJehovha Mwari muwanano yenyu kuchaisimbisa!
Nzvimbo Ichaita Kuti Murumbidzwe
Tinonzwa tichikudzwa kuti titsaurire Jehovha nzvimbo icharumbidzirwa zita rake guru.
Ndinovimba Nemi
Kuverenga Shoko raMwari nekufungisisa zvatinoverenga kunogona kutibatsira kukunda matambudziko eupenyu.
Kuitawo Zvimwe
Wakambobayiwa mwoyo zvekuda kuchinja ushumiri hwako here?
Handisi Ndega
Kana tiina Jehovha, hatisimbori tega!
Kudanana Sehama
Munyika yese zvayo, hakuna vanhu vanobatsirana sezvinoita vanhu vaMwari panomuka matambudziko.
Usatombotya
Upenyu pahunotiomera, tisakanganwe kuti hatisi tega.
Kutsvaga
Avo vanonatsoda kuziva Mwari nezvinangwa zvake vanogona kudaro kana vakashanda nesimba pakumutsvaga.
Shamwari Dzechokwadi
Shamwari dzechokwadi tinodziwanepi?
Ingovimba Neni
Mukufara nemumatambudziko, tinovimba neshamwari dzechokwadi.
NaJehovha, Tiri Vamwe
Nyange tiri munyika yakaipa, tiri musangano rehama dzine rugare nevamwe uye dzakabatana.
Ndipeiwo Ushingi
Jehovha anogona kutipa ushingi hwekutsungirira chero miedzo yatingasangana nayo.
Ndinokupai Zvese
Jehovha akakodzera zvechokwadi kuti tizvipire kwaari uye timushumire nemwoyo wose.
Zuva Rimwe Nerimwe Rine Zvaro
Tinogona kunzwa kugadzikana uye mufaro pasinei nematambudziko.
Shinga Usimbe
Rwiyo rwatinofarira, runotibetsera kutsungirira.
Ndinotenda Nezvakasikwa naMwari
Chimbomira kuti udzamise pfungwa dzako pane zvakasikwa naJehovha, wobva wanyengetera uchimutenda.
Ndimi Vekwedu
Chero kwatinenge tiri, tiri mhuri imwe yaJehovha, pamwe chete nehama dzedu dzeikoko.
“Irwa Kurwa Kwakanaka Kwekutenda”
Pasinei zvapo nematambudziko edu nezvatinorwisana nazvo, zvinoita kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha.
Jehovha Anomira Nesu
Jehovha anogara achida kufamba nesu.
Nyika Itsva
Tinogona kuve nepfungwa dzakanaka kana tikatangawo nekufungidzira zvinhu zvakanaka. Rwiyo urwu runotibatsira kuti tiise pfungwa dzedu panyika itsva.
Ndinozvipa Kwamuri
Nekuti tinoda Jehovha, tinofambira mberi kusvika pakuzvitsaurira uye pakubhabhatidzwa.
Rudo Rusingachinji
Rudo runobva kuna Jehovha haruperi. Runotinyaradza uye runoita kuti tifare.
Vimba naye
Paunenge uchishushikana, ramba uchivimba naJehovha kuti akunyaradze uye kuti akusimbise.
Ita Semwana
Tingatevedzera sei zvinoitwa nevana pakuratidza kuti tinoda vamwe?
Nyatsozvibvuma
Tinofanira kunyatsobvuma kuti Mwari anotida pasinei nematambudziko atinosangana nawo.
Regerera Nemwoyo Wese
Pane munhu akakugumbura here? Uri kutadza kumuregerera here? Inzwa zvaungaita kuti uregerere nemwoyo wese.
Ngatimhanye Tiwane Upenyu
Kuti ukunde munhangemutange yeupenyu unofanira kuita zvisarudzo zvakanaka muupenyu.
Hatiregi
Tinofanira kuvaka kutenda kwedu nezvinhu zvakasimba kuti kusakurumidza kuparara.
Wepamwoyo
Koshesa chipo chinobva kuna Jehovha chewanano.
Chengetedza Pfungwa Dzako
Uchibatsirwa naJehovha, unogona kubudirira pakurwisa kuzvidya mwoyo.
“Ngatigare Tichifara”
Rwiyo rwunonakidza rwunogona kutiyeuchidza nezvezvinhu zvakawanda zvinoita kuti tifare.
Rudzi Rumwe Rwakabatana
Pasinei nemiedzo uye matambudziko, tinoramba tiri rudzi rumwe rwakabatana.
Shandira Jehovha Nesimba Rako
Shandira Jehovha nesimba rako. Hauzozvidembi!
Ndimi Mufaro Wedu
Jehovha ndiye Mufaro wedu iye zvino uye nekusingaperi.
Uchaona Zvichiitika
Fadzwa netariro yekuti pachava nenyika itsva.
Ipa Jehovha Nguva Yako
Upenyu hunonyanya kunakidza kana uine zvakawanda zvekuita mubasa raJehovha.
Nekutenda
Fungidzira ramangwana rakazonaka rakavimbiswa vanhu naMwari.
Mhuri yaJehovha
Munyika muchine vanhu vari kutsvaga chokwadi. Vhidhiyo ino ichakukurudzira kuti urambe uchitsvaga vanhu vakaita semakwai.
Tinosimbisana
Tinogona kutsungirira miedzo yese, tichibatsirwa naJehovha uye tichitsigirwa nehama dzedu dzechiKristu dzakabatana.
Ndingaenda Kuna Ani?
Shumira Jehovha wakatendeka muupenyu hwako hwese nekuteerera inzwi remufudzi.
Jehovha Aneni
Jehovha anotibatsira kuti tisatye.
Tava Shamwari Zvakare
Regerera muve shamwari zvakare!
Dzidza Pane Zvawakakanganisa
Ukadzidza pane zvawakakanganisa, zvichakusimbisa.
Batisisa Upenyu Chaihwo
Tinogona kurarama tichifara uye tiine chinangwa iye zvino uye munguva yemberi.
Rugare Rwazouya! (Rwiyo Rwegungano ra2022)
Fungidzira kuti upenyu huchange hwakaita sei kana pasisina nhamo uye vimbiso dzaMwari dzerugare rwechokwadi dzazadziswa.
Swedera Pedyo Neni
Mwari anonyatsoda kuswedera pedyo nevese vanoda kuswedera pedyo naye pasinei nekwavanobva.
“Harinonoki!” (Rwiyo Rwegungano ra2023)
Mirira Jehovha nemwoyo murefu uchitevedzera vashumiri vake vakatendeka.
Dzoka Kuna Jehovha
Jehovha anoda chaizvo kuti udzoke kwaari.
“Tumari Tuviri Tudiki”
Jehovha anokoshesa zvaunomuitira, pasinei nekuti zvidiki here kana kuti zvihombe.
Anoziva
Jehovha anonyatsoziva mumwe nemumwe wedu uye anonzwisisa zviri mukati-kati memwoyo yedu.
Tichaimba Pamwe
Kushumira Jehovha kunoita kuti tive nerugare.
Hatiregi Kuparidza
Vimba naJehovha uye usarega kuparidza pasinei nekutya kwaungaita.
Ndosimbisa Kutenda Kwangu
Kuchidzira kutenda kwako.
‘Rugare Rwakaita Serwizi’
Rugare rwunobva kuna Jehovha rwakaita serwizi, uye rwunoyerera nekusingaperi.
“Upenyu Muparadhiso”
Kufungisisa nezvetariro yedu yeramangwana kunotipa simba rekutsungirira matambudziko.
“Mashoko Akanaka”! (Rwiyo Rwegungano ra2024)
Kubva panguva yaJesu kusvika iye zvino, vanhu vari kuparidza mashoko akanaka nemufaro uye basa ravari kuita rinokosha kupfuura chero chii zvacho. Basa iri riri kutungamirirwa naJesu pachake uye riri kutsigirwa nengirozi.
Chimbomira
Kumbomira uchifungisisa nezvezvinhu zvakasikwa naMwari kungatibatsira sei kuti titsungirire matambudziko eupenyu?
Ngatigutsikane
Kana tikagutsikana nezvinhu zvatinopiwa naJehovha tichafara.
Iva Nerugare Munyika Ine Vanhu Vane Hasha
Kuva Nerugare Nevamwe Kunokudza Jehovha.
Mwari Isimba Rangu
Ona kuti Jehovha anopa sei “vaya vakasurukirwa musha wekugara.”
Kudzai Jehovha
Tinokudza Jehovha nekuti tinomuda uye nekuti tinotenda zvese zvaakatiitira.