Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaga

Kutsvaga

Dhaunirodha:

  1. 1. Zvaingonzi ‘tsvaga uwane’

    Parera riya rechokwadi.

    Isu taiva m’gungwa remibvunzo

    Tichitsvaga mhinduro.

    (SUMO-YEKORASI)

    As’ takashinga nerwendo rwedu,

    Tich’tsvaga chokwadi; taiziva chiriko.

    (KORASI)

    Kutsvaga​—mhinduro imwe

    Inopindura zvese,

    Zvatinorwisa kunzwisisa:

    Munhu kwaakabva, nechatinodira Umambo hwaMwari.

    Tsvaga uchawana.

  2. 2. Taisamboziva Ane zita.

    Jehovha nd’ro zita rake.

    Taratidzwa takaziva

    Ndochimwe chezvataitsvaga.

    (SUMO-YEKORASI)

    As’ takashinga nerwendo rwedu,

    Tich’dzidza chokwadi nezvekwatakananga.

    (KORASI)

    Kutsvaga​—mhinduro imwe

    Inopindura zvese,

    Zvatairwisa kunzwisisa:

    Munhu kwaakabva, neparadhiso ichave muUmambo hwaMwari.

    Tsvaga uchawana.

    (BHIRIJI)

    Saka hatimbozezi panotsvaga vamwe

    Parera rechokwadi,

    Vari m’gungwa, m’dutu remibvunzo.

    Saka t’novabatsira,

    Nek’vapa zvatakawana.

    (KORASI)

    Kutsvaga​—mhinduro imwe

    Inopindura zvese,

    Zvavanorwisa kunzwisisa:

    Munhu kwaakabva, nekurarama muUmambo hwaMwari.

    Tsvaga uchawana.