Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JenkoAtaman/stock.adobe.com

RAMBAI MAKAMUKA!

Chii Chinoita Kuti Tive Netariro Mugore ra2023?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Chii Chinoita Kuti Tive Netariro Mugore ra2023?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Gore ra2023 zvaratanga, tese tine tariro yekuti zvinhu zvichatifambira zvakanaka. Nei tichigona kuva netariro?

Bhaibheri rinotipa tariro

 Bhaibheri rine mashoko akanaka ekuti matambudziko atiri kusangana nawo ndeenguva pfupi uye ava pedyo kugadziriswa. Bhaibheri rakatonyorerwa “kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva. . . pakunyaradza kunobva muMagwaro.”VaRoma 15:4.

Tariro inopiwa neBhaibheri inogona kukubatsira iye zvino

 Tariro yatinopiwa neBhaibheri inoita sechinhu “chinotsigisa” upenyu hwedu. (VaHebheru 6:19) Tariro iyoyo inoita kuti tigadzikane. Inotibatsira kuti titsungirire matambudziko atiri kusangana nawo, tisagara tichifunga zvinhu zvinoodza mwoyo, uye kuti tive nemufaro usingaperi. Semuenzaniso:

Simbisa tariro yako

 Vanhu vakawanda vane tariro yekuti zvinhu zvichanaka, asi havana chokwadi kuti zvavanotarisira zvichaitika. Asi zvinovimbiswa neBhaibheri zvichatoitika. Nei tichidaro? Nekuti zvinhu zviri muBhaibheri zvakavimbiswa naJehovha Mwari a pachake, uye ‘haanyepi.’ (Tito 1:2) Jehovha chete ndiye ane simba rekuzadzisa zvese zvaanovimbisa; “anoita zvese zvaanenge achida kuita.”—Pisarema 135:5, 6.

 Tinokukumbira kuti ubatsirwe netariro yechokwadi yatinodzidza nezvayo muBhaibheri. Unogona kusimbisa tariro yako kuburikidza ‘nekunyatsoongorora Magwaro.’ (Mabasa 17:11) Ita kosi yeBhaibheri yatinoitisa vanhu tisingabhadharisi kuti usimbise tariro yako. Tanga gore ra2023 uine tariro!

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.