Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Surasak Suwanmake/Moment via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Kunze Kuri Kupisa Zvakanyanya Muna 2023—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Kunze Kuri Kupisa Zvakanyanya Muna 2023—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Pasi rese, kunze kuri kupisa zvakanyanya uye kuri kuitika njodzi dzinokonzerwa nekupisa ikoko. Ona mishumo inotevera:

  •   “Kubvira vanhu pavakatanga kuongorora mamiriro ekunze makore 174 adarika, hapana mwedzi waJune wakapisa kupfuura wa2023.”—National Oceanic and Atmospheric Administration, U.S. Department of Commerce, 13 July 2023.

  •   “Munyika dzinoti Italy, Spain, France, Germany nePoland muri kupisa zvisingaiti uye zviri kutarisirwa kuti muzvitsuwa zveSicily neSardinia muchatopisa zvekusvika pa48°C. Kana izvi zvikaitika, kanenge kari kekutanga kuti muEurope mupise zvakadaro.”—European Space Agency, 13 July 2023.

  •   “Nyika zvairi kuwedzera kupisa, tinotarisira kuti kuchanayawo mvura yakawanda iyo ichakonzera mafashamo.”—Stefan Uhlenbrook, mukuru mukuru anoona nezvemvura musangano rinoona nezvemamiriro ekunze reWorld Meteorological Organization, 17 July 2023.

 Unonetseka here paunonzwa nezvemamiriro ekunze akadai? Ona zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya iyi inokosha.

Kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze kuri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri here?

 Hongu. Kunyanya kupisa kuri kuita kunze nekumwe kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze kunonyatsoenderana nezvakagara zvataurwa neBhaibheri nezvenguva yatiri kurarama. Semuenzaniso, Jesu akaprofita kuti taizoona “zvinhu zvinotyisa.” (Ruka 21:11) Kuwedzera kupisa kuri kuitika pasi rese kuri kuita kuti vakawanda vafunge kuti vanhu vachaparadza nyika.

Nyika ichasvika pakusagarika here?

 Kwete. Mwari akasika nyika kuti vanhu vagarepo nekusingaperi; haasi kuzombosiya vanhu vachiiparadza. (Pisarema 115:16; Muparidzi 1:4) Akatovimbisa kuti ‘achaparadza vari kuparadza nyika.’—Zvakazarurwa 11:18.

 Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anokwanisa kuchengetedza nyika kuti isaparadzwa uye achatozviita.

  •   “[Mwari] anodzikamisa dutu; masaisai egungwa anobva anyarara.” (Pisarema 107:29) Mwari ane simba rekudzora mamiriro ekunze. Anokwanisa kugadzirisa dambudziko rekuchinja kwemamiriro ekunze iro riri kuita kuti vanhu vatambure.

  •   “Munochengeta nyika, muchiita kuti ibereke zvakawanda uye kuti ipfume.” (Pisarema 65:9) Mwari achakomborera nyika uye achaita kuti ive paradhiso.

 Kuti unzwe zvakawanda nezvevimbiso yeBhaibheri yekuti nyika ichanaka, ona nyaya yakanzi “Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?