Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Hondo yekuUkraine Yakonzera Kushomeka Kwezvekudya Pasi Rese

Hondo yekuUkraine Yakonzera Kushomeka Kwezvekudya Pasi Rese

 Musi wa19 May 2022, United Nations Security Council yakaudzwa nevakuru vakuru vanopfuura 75 kuti “kuchinja kwemamiriro ekunze uyewo chirwere cheCOVID-19 zvakaita kuti dambudziko rekushomeka kwezvekudya riwedzere, asi hondo iri kuUkraine iri kuita kuti dambudziko iri ritonyanya kuwedzera.” Pepanhau rinonzi The Economist rakati “hondo iyi yekuUkraine yasara padiki kuti vanhu pasi rese vafe nenzara.” Bhaibheri rakagara rataura kuti kwaizova nekushomeka kwezvekudya panguva yatiri kurarama asi rinotipawo mazano anogona kutibatsira kuti tingararama sei kunyange zvinhu zvakaoma.

Bhaibheri rakagara rataura kuti kwaizova nekushomeka kwezvekudya

  •   Jesu akaprofita kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava nenzara.”—Mateu 24:7.

  •   Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvevatasvi 4 vemabhiza. Mutasvi werimwe bhiza anomiririra hondo. Anoteverwa nemumwe anomiririra nzara. Panguva yacho zvekudya zvinenge zvichinetsa kuwana uye zvichitengeswa nemitengo yakakwira zvisingaiti. “Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake. Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi . . . richiti, ‘Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete.’”—Zvakazarurwa 6:5, 6, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

 Uprofita hwakataurwa neBhaibheri hwekushomeka kwezvekudya huri kuzadzika panguva ino yatiri kurarama iyo inonzi neBhaibheri “mazuva ekupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Kana uchida kunzwa zvakawanda ‘nezvemazuva ekupedzisira’ uye vatasvi 4 vemabhiza emuna Zvakazarurwa, ona vhidhiyo inonzi Zvinhu Zvakachinja Panyika Kubva Muna 1914 uye verenga nyaya inoti “Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?

Bhaibheri ringakubatsira sei?

  •   Bhaibheri rine mazano anogona kutibatsira patinosangana nematambudziko akadai sekukwira kwemitengo yezvekudya kana kushomeka kwazvo. Ona mamwe acho munyaya inoti “Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma.”

  •   Bhaibheri rinotipa tariro yekuti zvinhu zvichanaka. Rinotivimbisa kuti “panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo” uye munhu wese achava nezvekudya zvakawanda. (Pisarema 72:16) Kana uchida kunzwa zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana uye kuti nei uchigona kuvimba nezvarinotaura, verenga nyaya inoti “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka.”