Mwari Utatu Here?
Mhinduro yeBhaibheri
Zvitendero zvakawanda zvechiKristu zvinodzidzisa kuti Mwari Utatu. Asi chimboona zvinotaurwa nebhuku rinonzi Encyclopædia Britannica: “Shoko rokuti Utatu kana kuti dzidziso yacho hazviwaniki muTestamende Itsva . . . Dzidziso iyi yakatanga zvishoma nezvishoma kwemazana emakore uye pachiwanzova nokukavadzana chaizvo nezvayo.”
Kutaura chokwadi, Mwari anotaurwa nezvake muBhaibheri hapana paanomborondedzerwa sechikamu pana vanamwari vatatu. Ona zvinotaurwa nemavhesi aya eBhaibheri:
“Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.”—Dheuteronomio 6:4.
“Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—Pisarema 83:18.
“Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.
“Mwari anongova mumwe chete.”—VaGaratiya 3:20.
Sei zvitendero zvakawanda zvechiKristu zvichiti Mwari Utatu?